Mudzimai bhiridha odashura murume

01 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Mudzimai bhiridha odashura murume

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUDZIMAI akaroorwa anogara kwaMambo Sigola, kuUmzingwane — uyo anoita basa rekuvaka — anonzi akarikita murume wake achimuranga kuti ainge amutadzisa kuonana nechikomba chake.

Nyaya iyi yakabuda mudare reEsigodini Magistrates’ Court mushure mekunge Hloniphani Msipa atsanangura pfumvu yaari kuoneswa nemudzimai wake pamberi pemutongi Nomagugu Sibanda.

Msipa, uyo aitsvaga gwaro redziviriro kubva kumudzimai wake, Tafadzwa Moyo, haana kumbonyara kudura mudare iri kuti ari kushungurudzwa zvikuru.

Anoti mudzimai wake akamurova nezvibhakera mushure mekunge amumisa kuti asaonane nechikomba chake.

Sekunge kurohwa kwaakaitwa kushoma, Msipa anoti mudzimai wake akaenderera mberi nekuparadza midziyo yavo yemumba ndokuzoipisa.

“Mudzimai wangu Tafadzwa Moyo ari kuparadza midziyo yedu uye nguva pfupi yadarika akapisa musha wedu. Ndinokumbira dare kuti rimupe yambiro yakasimba nekuda kwemaitiro ake. Akadzokera kuvabereki vake uye ini ndakaita zvimwe chetezvo nekuti hatisisina nzvimbo yatingati musha wedu,” anodaro Msipa.

Anoti akambotsvaga ruyamuro kumapurisa asi hazvina kubatsira.

“Ndakamboenda kumapurisa nenyaya yemudzimai wangu sezvo asina zvaari kuita nekuparadza kwaakaita midziyo yemumba medu. Kunze kwekuti akumbire ruregerero, ave kutondirambidza kuti ndisvike pamusha pedu nekuti ndinoda kugadzirisa zvaakaparadza.

“Ndinotadza kuzvigamuchira kuti iye zvino handisisina pekugara asi ndaimbova nemusha wangu.

“Ndiri kugara ndichitya uye handizi kukwanisa kuona kuti zvipfuyo zvatakasiya pamusha zviri sei nekuda kwemudzimai wangu nekuti ari kunditumira mashoko panhare echindityisidzira. Chandinongoda chete igwaro rinondidzivirira kubva kwaari kuitira kuti ndigare murunyararo,” anodaro Msipa.

Achipawo divi rake, Moyo anoramba zvose zviri kutaurwa nemurume wake achiti manyepo.

Mutongi Sibanda akapa Msipa gwaro rinomudzivirira ndokuti mudzimai wake haafanire kumurambidza kusvika pamusha pavo.

Share This:

Sponsored Links