Mudzimai kungonorara?

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MUMWE mudzimai anoti murume wake anomushungurudza zvekuti anomuudza kuti haafanirwe kunorara husiku kusvikira iye atomupa mvumo.

Elizabeth Chikonzo akamhan’arira Amwa Magujula kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumutuka nekumurova.

“Murume uyu anondishungurudza mambo wangu, anondituka uye kundirova. Anondidzinga pamba husiku achiudza vana kuti deedzai amai venyu kuti pfambi.

“Akauya akadhakwa handirare, anorara achitaura husiku hwose achindituka. Anonditi handifanirwe kurara kana iye asati oda. Ndikati ndakaneta anobva ati waswera uchiita chichipfambi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Haadi kuti ndinwe mapiritsi ekuronga mhuri, ini ndaneta nekuzvara. Tine vana vasere tose asi ari kungoda vamwe vana. Ndaneta nazvo ini uye anoti haadi kuti ndishande saka izvozvi ndakatiza kumba, ndiri kugara nevabereki vangu.”

Magujula anopikisana nemudzimai wake achiti haamushungurudze.

“Zvese zvaari kutaura manyepo, kana akapihwa gwaro redziviriro ngaasadzoke kumba kwangu. Kumba kwaani kwaanoda kudzoka? Uyu handimunetse, ndinongomutsiura chete kuti afambe negwara rakanaka asi iye haadi. Zvevana ini handichada, vakwana ivavo,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chikozho gwaro redziviriro ndokuti Magujula anofanira kumubvumidza kunwa mapiritsi ekuronga mhuri.

Share This:

Sponsored Links