Tendai Gukutikwa
MUNYAYA inokatyamadza zvakanyanya, murume nemudzimai wake vekuChimanimani vanonzi vose vari vaviri vakaroodzwa kuzvikwambo vachiri vadiki izvo zviri kuita kuti zvishinhe navo pamadiro.
Hupenyu hunosuwisa uhu, hwakabuda pachena apo mudzimai uyu, Nyasha Tayerwa, akasvitsa nyaya iyi kudare reMambo Saurombe nemusi weSvondo wadarika.
Nyasha akadhonzera baba vake, Kennedy Tayerwa, kudare iri achivapomera mhosva yekuramba kumubatsira kugadzirisa dambudziko rechikwambo icho chinonzi chave kuda kuuraya vana pamwechete nemurume wake.
Dare rakanzwa kuti Nyasha haana kumbobvira awana rugare muwanano yake kwemakore manomwe, kubva 2017 kusvika parizvino, paakachata nemurume wake – uyo asina kudomwa zita – nekuda kwezvikwambo izvi sezvo zvinonzi zvine shanje yakadarikidza.
“Handikwanise kusasana nemurume wangu ndisina kurwara. Chishamiso chaicho kuti ndabata pamuviri. Ndakasangana nematambudziko ekuita pamuviri nguva dzose nekuda kwechikwambo ichi,” anodaro.
Nyasha anoti kwaanofamba kumaporofita anoudzwa kuti akaroodzwa kuchikwambo uye chimwe chacho chakaroodzwa kumurume wake.
Achipawo divi rake mudare iri, Kennedy akaramba kuti mwanasikana wake ari kushungurudzwa nechikwambo ndokuti ari kunetswa nemweya wetsvina nekuti haana kusimba panyaya dzekunamata.
Akarambawo kuenda naye kun’anga kana kumaporofita kuti anobatsirwa pane zviri kumunetsa achiti izvi zvinopesana nechitendero chake.
“Chandinoda kuziva ndechekuti anoda kuti ndiite sei nemashoko aya aaburitsa pasi rose nhasi? Iyi inyaya yatingadai takagadzirisa tiri toga semhuri. Zvaaita hazvina kumira mushe, uye ndinonetseka kuti achawana sei rubatsiro rwaari kuda,” anodaro.
Zvisinei, vamwe vemhuri yekwaTayerwa vakati mumwe muporofita akati Nyasha akaroodzwa kuchikwambo naambuya vake asi mumwewo ndokuti baba vake ndivo vakaita izvi.
Mushure mezvose izvi, zvinhu zvakabva zvaita manyama amire nerongo mudare iri apo Kennedy akatanga kupopota achishevedzera kuti haana kupihwa nguva yakakwana yekupindura.
Akaenderera mberi ndokutyisidzira Mambo Saurombe nemakurukota avo.
Kennedy nechimwe chikwata chemhuri yekwaTayerwa, icho chaimutsigira, vakazobva padare iri vachishevedzera kuti vachaona zvekuita naMambo Saurombe nemakurukota avo vachivapomera mhosva yekusatonga nyaya iyi nemazvo.
Izvi zvakasiya Nyasha nevamwe vemumhuri yake vasina neremuromo.
Mambo Saurombe vakapa zano rokuti vemhuri yekwaTayerwa vatsvage maporofita anogona abatsire Nyasha padambudziko raakatarisana naro rekushungurudzwa nechikwambo.