Mudzimai, murume vorwira ‘password’ yenharembozha

13 Jan, 2025 - 14:01 0 Views
Mudzimai, murume vorwira ‘password’ yenharembozha Nharembozha

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuChitungwiza akazvuzvurudzira murume wake kudare achiti ari kugara achimurova uye kumumanikidza kuti abvise ‘password’ yenharembozha yake iyo anoshandisa chigunwe chemutsoka achiti anoda kuona mameseji ose anopinda zvinova zvaasingadi.

Natasha Gatsi (19) wekumaNew Stands kuNyatsime akamhan’arira murume wake, Pias Mupukuta (23), kudare reChitungwiza Magistrates Courts achida gwaro redziviriro.

“Ndiri kuchema kuti dare rindipewo gwaro redziviriro kubva kumurume wangu, Pias Mupukuta (23), sezvo achigara achinditukirira, kundirova pamwe nekuparadza nharembozha yangu sezvo achiti anoda kuona mameseji anenge achipinda mufoni mangu nekuti ane fungidziro yekuti ndinoita zvezvikomba,” anodaro Gatsi.

Anoti murume wake uyu, uyo anova mukorokoza, anogara achimumanikidza kuti abvise password panharembozha yake kuti aone mameseji ese anopinda zvinova zvaasingadi.

Achipawo divi rake, Mupukuta anoti zvinomurwadza kuti mudzimai wake anoisa password panharembozha yake kuti asaone mameseji nezvimwe zvinenge zvichipindamo.

“Mudzimai wangu ndinomuda uye ndinoziva kuti kana vanhu vari muwanano havafaniri kuvanzirana password yefoni nekuti iye akasununguka kushandisa foni yangu ini ndichishandisa yakewo zvinova zvaasiri kuita sezvo anotovanza yake. Mumwe musi akanga akaisa nharembozha yake pacharger ichibva yatanga kupinda mameseji saka ndaida kuona kuti ari kubva kunaani asi akaramba kuisa password zvinova zvakaita kuti tinetsane. Ndakaedza kutora ruoko rwake kuti aise ‘finger print’ asi yakaramba ndipo pandakazodzidza kuti akanga achishandisa zvigunwe zvekutsoka ‘toe print’ kureva kuti mudzimai uyu ane zvakawanda zvaari kundivanzira, haana kuvimbika. Chandakangoona izita rekuti Tatenda paakavhura mameseji, zvimwe handina kuzozviona nokuti aivanza,” anodaro Mupukuta.

Mutongi VaDennis Mangosi vakabvunza vaviri ava kuti vakaroorana vaine makore mangani, zvikaonekwa kuti Gatsi aive nemakore 16 uyuwo Mupukuta aine 19.

“Aya ndiwo matambudziko anosanganikwa nawo kazhinji kana vanhu vakaroorana vari vadiki. Munofanira kudzidza kugara murunyararo. Shanje dzine murume wako dzinoratidza kuti anokuda asika mutemo handizvo zvaunotaura kuti munofanira kubatirana nharembozha sezvaanofunga nekuti zvinomutsa mhirizhonga mudzimba. Ipapa wakaona zita rekuti Tatenda ukatofunga kuti murume asi mamwe mazita akadai anopihwa vanasikana kana vanakomana. Zvekare pamwe pacho anogona kunge ari kufonerwa nevanhu vekubasa kwake zvisinei newe nekuti mashoko ese anotumirwa kwaari anenge ari ake saka zviri kwaari kuti amaturire kwauri kana kurega  pasina kumanikidzirana sezvauri kuita nekuti imhosva,” vanodaro VaMangosi.

Zvisinei, vakayambira vaviri ava kuti vachengetedze runyararo pakati pavo nguva dzese uye kuti Mupukuta asiyane netsika yekutorera mudzimai wake nharembozha yake kana kumushungurudza.

Muturukiri munyaya iyi ndiDhuvekile Sithole.

 

Share This:

Sponsored Links