Mudzimai nevana Hutu nemushandi…‘Atova mukadzi wangu uyo ’ …‘Kana vana futi ndevangu’

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mudzimai nevana Hutu nemushandi…‘Atova mukadzi wangu uyo ’ …‘Kana vana futi ndevangu’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MURUME anogara muHarare anoti akatorerwa mudzimai waange agara naye kwemakore 11 nemushandi wake uye vana vaviri vaaifunga kuti ndevake ndeve musevenzi uyu.

Clive Parutagasa atakaura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arirwa naTatenda Tashaya uyo aimbova mushandi wemuchitoro chake chiri muguta reHarare.

Tashaya anoti Parutagasa ari kugara achimushungurudza pamwechete nemukadzi wake nekudaro anoda gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Tashaya gwaro rinomuchengetedza.

Tashaya anoti haasisina mufaro kana achifambira mumugwagwa waMbuya Nehanda, muguta reHarare, nekuda kwaParutagasa.

Anoudza dare kuti: “Uyu aimbova mumwe wangu wandaishanda naye paDublin House mudhorobha asi hapasisina kuwirirana kubvira pandakabvapo. Anonditumidzira mameseji achindityisidzira nerufu. “Anondinetsera mukadzi asi vakarambana makore maviri apfura, tinotova nevana vedu vaviri nemukadzi iyeyu. Ini ndakatonobvisa tsvakirai kuno asi iye nemukadzi vaichaya mapoto panguva yavakagara vose.”

Tashaya anoti haabvumidzwe kusiya mota yake pane nzvimbo dzinenge dzichitaurwa naParutagasa.

“Murume uyu anondishungurudza zvekusvika pekuti akandiona ndichifamba nemota yangu, ndikada kupaka munaRobert Mugabe kana Mbuya Nehanda, anondirambidza. Dai dare randibatsira amiswa kundishungurudza, kunetsa mudzimai wangu nekuuya kubasa kwangu,” anodaro.

Paturasaga anopikisana nechikumbiro chaTashaya achiti haakwanise kurega kuenda kubasa kwake nekuti ane vanhu vaanofambira vanenge vachimubatsira pabasa pake.

“Handikwanise kuregera kusvika pabasa pake nekuti shopu yacho ine vanhu vakawanda vanotengesera imomo vanombondipa zvinhu kuti nditengese kushopu kwangu. Kuti andishandire, mukomana uyu akauya achitengesa mari, akazotanga kundishandira mukadzi wangu amurongera kare,” anodaro.

Anoti ainge akaroorana nemukadzi wake kwemakore 11 vakazosiyana gore rapera.

“Mukomana uyu ada kunditorera gwaro nekuti akatora mukadzi wangu wemakore gumi nerimwe. Vana vaari kutaura vakazvarwa ndiine mukadzi uyu, ndakatozoona kuti vana ndevake sezvo vakafanana naiye. Handivanetse ini kunyangwe zvazvo vakandirwadzisa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links