Mudzimai oita zvinorova papurazi

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mudzimai oita zvinorova papurazi Mai Irene Makamba vari mumunda wavo wematomatisi kuBlue Ridge Farm, kuGoromonzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI akasiyana ari kusimukira zvikuru munyaya dzemabhizimisi anosanganisira kurima uye mumwe wevanhukdzi vari kuita zvinorova munyaya dzekurima ndiMai Irene Makamba avo vanorimira kuBlue Ridge Farm, kuGoromonzi.

“Ndava nemakore gumi nemashanu ndichirima asi pakurima kune mbiri ndinoti ndava nemakore mashanu. Ndinorima zvirimwa zvakadai semakabheji, miriwo yemhando yese, matomatisi, hanyanisi, chibage uye ndinochengeta hove. Kurima kwangu hakuna mwaka, ndinorima zvegore rose pasina zororo nekuti ndine madiridziro anobvira pakushandisa mvura yemuchibhorani neyemurwizi rwuri padyo Mubvunzi River uye ndinoshandisa drip irrigation zvinoita kuti zvirimwa zvangu zvigare zviine mwando,” vanodaro Mai Makamba avo vanove mudzimai wemuzvinhabhizimisi ane mukurumbira munyika muno VaJames Makamba.

Vanoti vakawana kurudziro yekurima apo vaishanyira vamwe varimi pamazuva aimemwa minda yavo nemadhumeni.

“Ndakava neshungu mushure mekuona vamwe varimi vachiwaniswa mibairo apo zvirimwa zvavo zvaive zvaonekwa kuti ndezvemhando yepamusoro. Ndakatanga kuti kwati-kwati nemadhumeni ndichifundiswa marimiro akanaka anondipa goho guru ndichikwanisa kurima munda mudiki uchindipa pakuru,” vanodaro.

Mai Makamba vanoenderera mberi vachiti, “Ndiri mudzimai akasarudzwa munyaya dzekusimukira mubhizimusi rekurima (Women In Agriculture).”

Vanoti vanorima zvekare gorosi vachinotengesa kudura guru reGrain Marketing Board (GMB).

“Kurima kwakanaka zvikuru nekuti harisi basa rinopera sezvinoita remumakambani, chinhu chaunoramba uchiita kunyangwe paunosiya basa zvichikuvaraidza nekukupa mari zhinji. Kurima ndihwo upenyu, munhu wese anoda kudya kunobva muminda saka ibhizimusi rinoendeka,” vanodaro.

Mai Makamba vanoti masvondo mana adarika vakakwanisa kutenga tarakita zvichibva papurofiti yavanobura mukutengesa zvirimwa zvavo.

“Ndakakwanisa kuwana mari dzechikwereti kubva kune rimwe bhengi mushure mekunge vauya pamunda pangu vakaona kurima kwandinoita uye vakagutsikana kuti ndinokodzera kuwana mari yechikwereti nekuti vakaona zvekare kuti mikana yekuti ndizodzorera mari yavo zvisina dambudziko yaivepo,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti bhizimusi rimwe nerimwe rine zvinetso zvaro uye dambudziko rekushaikwa kwemisika yakati tsvetere ndiro guru sezvo kuine mamwe makoronyera anotengesa zvirimwa izvi nemitengo yepasi kumisika yakadai seMbare zvichiita kuti varimi varasikirwe.

“Ndiko kusaka ndichisarudza kutengesa zvirimwa zvangu kune vezvitoro nekuti vanotarisa mhando, hunaku nehuwandu hwezvirimwa vachizviisa pasikero. Saka semurimi unokwanisa kuita bhajeti yako nekuziva kuti kana ndikaendesa zvirimwa zvangu zviine huwandu hwakadai ndinowana mari yakati uchizotarisa zvekare huwandu hwezvinhu zvaunenge washandisa. Kumisika yeveruzhinji hakuna zvipimo nekudaro varimi vazhinji vanowanikwa vachirasikirwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links