Mudzimai oita zvinorova

21 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Mudzimai oita zvinorova Exif_JPEG_420

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MABHIZIMUSI makuru akadai sekupfuya mombe kazhinji kacho anozivikanwa achiitwa nevanhurume, asi zvichitevera nyaya dzekuenzaniswa kwemikana kune vanhukadzi vane chitsama vari kupinda mubasa iri uye vachiita zvinorova.

Mai Waggie Sibanda, avo vane kambani yeMuromo Boran Cattle vachiita bhizimisi rekupfuya mombe papurazi reStilltorn Farm kwaSeke, vanoti kupfuya mombe kwakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

“Mombe dzedu tinopfuira kuBeatrice mudunhu rekwaSeke saka mabhuru edu emhando yeBoran kana akasangana nedzemuno (Hard Mashona Type) tinobura mombe dzakakura uye dzakasimba. Mhuru ine mwedzi mina inenge yatokura, kuzoti painosvitsa gore inenge yatova mombe yakakura zvakanyanya. Kuburikidza nemombe idzi, tinowana nyama, mahwanda, matehwe, mabhonzo, mukaka nenyanga. Zvese izvi tinozvitengesa kune dzimwe nyika tichibura mari yekunze,” vanodaro.

Mai Sibanda vanoenderera mberi vachiti, “Tinowana zvekare manyowa kubva mundove tichirimisa miriwo uye vamwe vanoshandisa ndove mukugadzira bio-gas rinova simba remagetsi rinobva mundove. Ndove inoshandiswa zvekare pakudzurura dzimba nekurapa zvirwere, pakati pezvimwe.”
Vanoti bhizimisi ravo riri kusimukira zvisinei nekuti panguva ino nyika yakatarisana nekurwisana nechirwere cheCovid-19.

“Munguva ino yechirwere cheCovid-19, veruzhinji vanokurudzirwa kudya kunovaka muviri nokudaro isu varimi vemombe ndiyo nguva zvekare yatinobuda mari yakawanda,” vanodaro.

Mai Sibanda vanoti gore rino rava rechipiri vachiendesa zvipfuyo zvavo kuZimbabwe Agricutural Show.
“Tinofara zvikuru nekuti takakwanisa kuunza mombe dzedu nembudzi dzatinochengeta kushoo kuti tizopangana mazano nevamwe sezvo mazano marairanwa. Mombe dzerudzi urwu hadzidi mvura yakawanda zvayo uye hadzibatwe nezvirwere nyore. Tinoshanda nemadhumeni ezvekurima anotibatsira mukurapa mombe dzedu kana dzichinge dzarwara,” vanodaro.

Mai Sibanda vanoti chirwere cheCovid-19 hachina kukanganisa basa ravo sezvo zvimwe zvakadai semadhibhi zviri pedyo navo pamwe nemadhumeni.

“Dambudziko rezvirwere zvinobata mombe zvakadai sezvemahwanda (food and mouth), tungundu nezvimwe rinoshungurudza isu varimi. Asi kubvira patakatanga bhizimusi rekupfuya mombe dzedu, hatisati tarasikirwa nemombe nekuda kwezvirwere nekuti tinokurumidza kuzviona toshevedza varimisi vemombe vodzirapa nekukasika saka hadzizorwari kwenguva ndefu,” vanodaro.

Zvakadai, huwandu hwemombe munyika huri kutarisirwa kuwedzera kuenda pa6 miriyoni mugore ra2025 kubva pa5,4 miriyoni pari zvino zvichitevera kuparurwa kwechirongwa cheLivestock Growth Plan (2020-2025).

Chirongwa ichi chine chinangwa chekugadzirisa mamwe ematambudziko ari kusanganikwa navo nevarimi vachitsigirwa neHurumende nemamwe masangano akazvimiririra.

Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, nguva yadarika vakaparura chirongwa ichi icho chiri pasi pebandiko reAgriculture and Food Systems Transformation Strategy uye chinotarisirwa kusandura nyaya dzekurima mukuva indasitiri inobura mari inosvika US$8,2 mugore ra2025.

Share This:

Sponsored Links