Tinashe Mlambo
MURUME wekwaChigodora, kwaMutare akapotera kudare reMutare Civil Court achida gwaro redziviriro kubva kumudzimai wake achiti anomuzvambaradza nekumutuka pese paanenge akadhakwa.
Emmanuel Mungofa nemudzimai wake, Annia Magumire, vakamira pamberi pemutongi VaXavier Chipato.
Vaviri ava vanoti vave nemakore anodarika matanhatu varoorana uye vaigara murunyararo kusvika gore rapfuura apo Magumire anonzi akatanga kuchema-chema kuti Mungofa ari kupedzera mari yake yese kudoro.
“Takaroorana ndiine makore ekuma20 uye taimbonwa doro tose. Taroorana, takasarudza kuti iye (Magumire) aizongonwa chete pane dzimwe nguva. Anoda mari pese pandinodzoka kumba ndakadhakwa, anondirova nekundituka nekuda kwekudhakwa kwandinoitwa. Ndinotambura kumudzosera kana achindirwisa ndosaka muri kuona mavanga aya pahuma yangu. Ndakaedza kutaura naye kakawanda zvikashaya basa,” anodaro Mungofa.
Mukupindura, Magumire akaramba kuti anogara achirova murume wake akadhakwa.
Anoti Mungofa ane katsika kekunwa doro zvakadarikidza izvo zviri kudzorera budiriro yehupenyu hwavo kumashure sezvo mari yake yose iri kuperera kuhwahwa.
“Sezvataurwa nomurume uyu, anonwa doro zuva rega-rega uye izvi zviri kukanganisa kufambira mberi kwedu muhupenyu. Tave nemakore matanhatu taroorana, tine vana vaviri, asi chinondikatyamadza ndechekuti zvisinei nekuwanda kwemari yemuhoro yaanowana, tichiri kuroja imba ine makamuri maviri. Ndakamudemberera kakawanda kuti timbochengeta mari yekuti tiwane sitendi yedu asi akaramba. Ndinoda ramangwana rakanaka revana vangu uye hatirarame pasi pano zvachose. Kana paine zvichazoitika kwatiri vana vacho vanozogara kupi?” anodaro achiwedzera kuti akangorova murume wake kamwechete apo paakada kumurwisa.
Vachipa gwaro redziviriro, VaChipato vakati Magumire anofanirwa kusiyana nekushungurudza kana kutuka murume wake.