Mudzimai oruka mari nemaruva  Mhuri yarerwa nemaruva

26 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Mudzimai oruka mari nemaruva  Mhuri yarerwa nemaruva Mahachi ari pabasa pake paAfrica Unit Square

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHUKADZI vari kuita mabasa makukutu munyaya dzekusimudzira budiriro yeZimbabwe nenzira dzakasiyana.
Kukosha kwevanhukadzi pasi rose kunoonekwa nekucherechedzwa kwemabasa avo kuburikidza nezuva reInternational Women’s Day nemusi wa8 Kurume gore negore.

Kwayedza inokurukura nemudzimai ane hushingi mubasa rake rekugadzira nekutengesa maruva panzvimbo yeAfrica Unity Square mukati meguta reHarare.

Mai Nyarai Mahachi (52) vanoti vave nemakore 22 vachiita basa iri uye ndiro rarera mhuri yavo.

“Ndakatanga kutengesa maruva muna1999 apo takadzidziswa kurima maruva kuCold Comfort nemumwe murungu aibva kunyika yeHolland. Handaiziva kuti mumaruva mune mari, saka ndakatanga ndichizvitora sezvinhu zvenhando.

“Asi ndakatoona kuti maruva ane mari zhinji kana ukaita zvinhu zvako nemazvo, zvikuru mukugona kuaronga zvakanaka zvinova zvinokwezva maziso evatengi,” vanodaro.

Mai Mahachi vanoti vane mwanakomana mumwe chete uyo wavakarera nemari yemaruva nevazukuru vana.

“Ndine mwanakomana mumwe chete anova wandakarera nemari yemaruva akaenda kuchikoro kubvira kupuraimari nesekondari kudakara aenda kuyunivhesiti akapedza ndokuzowanawo basa rake. Kumusha, ndinobva kuNyamapanda.

“Kare, maruva zvinhu zvaisakosheswa nekuti vanhu vaingoziva zvekunyorerana matsamba kuratidzana rudo asi iko zvino ava kutengwa zvikuru vanhu vachiratidzana rudo. Sepamazuva eValentine’s Day, tinenge tisina zororo nekugadzira maruva matsvuku nekuti ndiwo anodiwa zvakanyanya panguva iyoyo.”

Vanoti kunyangwe vanhu vachitengerana maruva erudo, maruva mazhinji anotengwa pane ipi zvayo nguva ndeane chekuita nerufu anova machena apo vanhu vanenge vachida kunoisa pabhokosi remufi nepamaguva.

“Maruva ekunhamo ndiwo anonyanya kutengwa kudarika ezvimwe zvirongwa semichato, ndokusaka muchiona ari iwo akawanda pano. Asi dambudziko riripo pari zvino nderekuti mapurazi ava mashoma kwazvo ari kurima maruva.
Izvi zvava kukonzera kuti tipone nemaruva ekugadzirwa (artificial flowers), mazhinji acho anobva kuChina nedzimwe nyika,” vanodaro.

Mai Mahachi vanokurudzira vamwe vanhukadzi kuti vasagarire maoko.

“Kune mamwe madzimai ndinoti hope hadzina ndima, mudzimai chaiye anomukirawo kubasa kana kuitawo mamwe mabasa emaoko anokupa chouviri. Munhu wemukadzi unofanira kuzvishandira, chero uine murume usamirire kukumbira mari. Batsiranai zvinhu zvifambe uye zvinoreruka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links