‘Mudzimai wangu unomborara kupi?’

27 Nov, 2019 - 21:11 0 Views
‘Mudzimai wangu unomborara kupi?’

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena
MURUME wekuEpworth akachema mudare achiti ari kuoneswa pfumvu nekugara achizvambaradzwa nemudzimai wake.

Knowledge Mungware akataura mashoko aya kumutongi weHarare Civil Court, Noah Gwatidzo, apo ainge amhan’arirwa naRatidzo Muchengeti achiti ari kumurova, kumutyisidzira nebanga uye kumudzinga pamba.

Mutongi Gwatidzo akapa Muchengeti gwaro rinomudzivirira uye ndokuti hapana anofanirwa kudzinga mumwe pamba.

“Ishe wangu, murume uyu ari kundishungurudza nekundirova uye ari kutinyima chikafu nevana. Mazuva ano ava kutoita zvekundityisidzira nebanga zvekuti ndava kutya kufa,” anodaro Muchengeti.

Anoti anoda zvakare kuti dare ribvise murume wake pamba achiti haana kubvisa mari yeroora.

Mungware anoti ndiye ari kutooneswa ndondo nemudzimai wake.

“Vari kundinyepera, ini ndini nditori kushungurudzwa. Zvakare ndanzwa nekubinhwa zvekuti mazuva apfuura ruoko rwangu rwakange rwakatozvimba mushure mekunge andirikita nezidanda zvekuti kutogarisana mumba kwakunetsa,” anodaro.

Mungware anoti mudzimai wake ane tsika yekusarara pamba zvekuti anogona kupedza mazuva maviri kana matatu asingazivikanwe kwaari izvo zviri kukonzera kunetsana kwavo.

“Mubvunzeiwo kuti anorara kupi pamazuva aanenge asipo pamba nekuti inini ndikabvunza zvinokonzeresa mhirizhonga,” anodaro Mungware.

Share This:

Sponsored Links