Uncategorized

Mudzimai wemunhu Hutu pa ‘next door’. . . zvose nemombe shanu

17 Apr, 2019 - 17:04 0 Views
Mudzimai wemunhu Hutu pa ‘next door’. . . zvose nemombe shanu Butholezwe Nxumalo aina Samkeliso Dlamini

Kwayedza

Gibson Mhaka
MURUME anogara kubhuku rekwaZiyadinga, kuEsigodini, kuMatabeleland South, akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo waange agara naye kwemakore gumi zvichitevera kutizira kwaakaita kumurume anova muvakidzani wavo.

Butholezwe Nxumalo anoti ari kutadza kuzvigamuchira kuti mudzimai wake, Samkeliso Dlamini, akamusiya achienda kunogara nemuvakidzani wavo.

Akataura mashoko aya mudare mushure mekunge mudzimai wake amunhan’arira achiti ari kumushungurudza.

“Ndange ndakaroorana naButholezwe Nxumalo kubva 2010. Musi wa16 Kukadzi gore rino, ndakasungwa ndaba zvinhu uye pandakazoburitswa mujeri musi wa13 Kurume, Butholezwe akatanga kundishungurudza achindipomera kuita zvechipfambi. Akandipomera achiti ndakamunyepera kuti ndaive mutirongo.

“Akandirova kumeso nezvibhakera. Ndakamumhan’arira kumapurisa avo vakanditi ndiende kuchipatara kunorapwa. Pandakazodzoka kumba, ndakashamisika kumuona aine mumwe mukadzi muimba yedu yekurara. Nekuda kwekushatirwa, ndakadzinga mukadzi uyu muimba yedu yekurara asi ndakashamisika kuti akabva amutevera uye haana kuzodzoka musi uyu.

“Akazodzoka kwapera mazuva mashoma ndokutora mimwe midziyo yemumba nemakii echitoro chedu,” anodaro Dlamini.

Anoti akasiya murume wake nekuti haadi kugara upenyu hwekushungurudzwa.

Nxumalo haana kuramba mashoko aitaurwa nemudzimai wake, achiti akatanga kumushungurudza mushure mekunge aziva kuti anodanana nemuvakidzani wavo.

“Akabva pamba mushure mekunge ndazviziva kuti anodanana nemuvakidzani wedu uyo ane mudzimai wake. Ndave kugara ndoga mushure mekunge atizira kune muvakidzani wedu akaroora.

“Ndakamubvunza kuti sei ari kudanana nemurume akaroora achiparadza wanano yemumwe mudzimai.

“Ndakazoshamisika pandakaziva kuti akange asungwa pamwe chete nemudikani wake uyu. Semhuri, takambogara pasi tichikurukura nezvenyaya yechipfambi chake iyi mushure mekunge atengesa mombe dzedu shanu ndokudya mari yacho nemudikani wake.

“Zviri pachena kuti haachandide mushure mekunge abva pamba ndokunogara nemuvakidzani wedu uye handina dambudziko nazvo,” anodaro Nxumalo.

Mutongi Rachel Mukanga akapa Dlamini naNxumalo gwaro redziviriro pamumwe nemumwe wavo ndokuti Nxumalo adzosere midziyo yose yemumba yaakange atora uye kuti anofanira kubvumidza mudzimai uyu kuti asvike kuchitoro chavo.

Share This:

Sponsored Links