Muenzi Bond Notes haana kwaanoenda!

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MARI muenzi, asi rwendo rwuno muenzi atambudza vanhu. Mumwe muenzi anowanirwa nzira dzokunzi achirongedza aende, asi uyu muenzi ari kutodiwa nani nani zvake: vakuru, vadiki, mhandara, majaya vese vari kungoti ko iye muenzi anonzi mari achavabvakachirawo riini.Mukwende anoti, pfavirai ngoma, husiku hunoenda kure. Anouya, nokuti ndiye oga akaronga rwendo rwacho rwokuti ari kuuya. Saka ari kuuya. Pamwe ndiye anoimbwa naJah Prayzah achiti, “Mudhara achauya”, nokuti vechidiki unonzwa vachiti kana uine mari une yese.

Umuwo mushoko raMwari mopihwa yambiro yokuti hongu mari yakanaka, asi mutendi ngaazive kuti, “kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.” Hamheno kuti vanoita zvohuori vakambosangana neyambiro iyi here. Regai tisaita zvokusikiza nyaya iri pachena. Mabond notes akapinda mumusika wemari musi woMuvhuro, mushure menguva vanhu vakamirira.

Akapindawo, paina vana gudzadungwe vakange vachipikisa kuti asauya, kusanganisira nevaimbove mutevedzeri womutungamiri wenyika, avo vave kutungamirira bato rinopikisa, Mai Joice Mujuru.

Kutoenda kumatare edzimhosva vachiti hazvisi pamurawo. Zvino matare akabvunza kuti vanopikisa sei chinhu chisati chavapo, chavasati vaona.

Zvakashamisa Mukwende ndezvokuti kupikisa kwaiita vanhu kuti mabond notes asauye, waizvibvunza kuti vanhu ava vakamanikidzwa here kuita zvizvarwa zveZimbabwe? Pamusana pei vachiramba zvinobva murongo ravo, asi vachida zvavamwe?

Vanoda kuti Zimbabwe isungwe mbiradzakondo nemari dzekunze dzakatanga kushandiswa kubva muna 2009, zvichiitirwa kuti mamiriro ezvoupfumi agadzikane. Takaonekwa tave kushandisa mari yokuUnited States of America, South Africa, Britain, Europe, Japan neChina. Mudengu iroro makange musina chinonzi mari yeZimbabwe.

Kana pamari pari ipo panoonekwa mikono, saka senyika tinoonekwa sei kusimba kwedu kana tichishandisa mari dzavamwe, dzinodhindwa kunyika dzavo, dzatinogona kumuka pasisina?

Ndichiri kuyeuka President Mugabe pavaikambena mugore ra2013 vachiudza vatsigiri veZanu-PF nenyika yose kuti zvichatora nguva yakati kuti tisati tave nemari yatinoti yedu, nokuti pane zvizhinji zvinotsigira “currency” yenyika zvakafanana nokuti muri kugadzira zvinhu zviri kutengwa kunze zvichiunza foreign currency sei; uyewo kuti mune goridhe rakawanda sei ramakachengeta. Kunyange vakati zvichatora nguva, hazvitauri kuti nguva yacho haisviki.

Saka nyaya yokuda kuramba mabond notes inotaurei kune munhu akaita saMai Mujuru vakarwira kuzvitonga kuzere? Vanoda kuti titongwe neAmerica kubudikidza nemari yavo yatiri kushandisa, nouti kana maRands okuSouth Africa takabva tatanga kuaramba zvakare?

Ambuya vangu vaiti mafarwa aya anozopera munhu washapurwa nepaperback risina chinhu.

Vanokurudzira kuramba tinoziva kuti vanayo mari yokuAmerica yavanochengetera mudzimba, kana yakachengetwa kumabhangi okunze kwenyika. Hazvishamisi kuti pamwe ndivo vari kupa ma”money changer”, chinangwa chiri chokuda kudhiritsa simba rebond coin, asi murawo uchiti i”surrogate currency” inongoenderana nedhora rokuAmerica.

Chimwe chatinoda kutaura ndechokuti kana munhu achiramba zviripo, anenge achiziva kuti ane zvimwe zviri nani. Asika, kapadza kokukumbira hakapedzi ndima.

Isu muno muZimbabwe tisina mari yedu tichida kuramba takazvisungirira pamadhora okuAmerica, kwedu kusaona kuti 20 Ndira 2017 ave pedyo? Mutungamiri mutsva weUSA Donald Trump ndichapwititi, zvokuti anogona kupinda achiti ngazvipere.

Haana zvakajeka zvaati ataura pamusoro poukama hweAmerica neAfrica, asi nyika dzakaita seSouth Africa vave kutogadzirira vachitya kuti angaparadze hwaro hwoupfumi hwavo. Saka semhuri yeZimbabwe, tingaramba matanho ari kutorwa tichida kuhwanda nemashizha omuti waani?

Ndopedzisa ndichiti, pamadhora ari kutenderera muvanhu kana muzvitoro, nderipi rakakodzera kuti kana ukabuda munyika muno wokwanisa kunotenga? Vanayo iyoyo yavanopinda nayo muzvitoro vachitenga chikafu, mafuta emotokari nezvimwe, ngatimboenda nayo kana pamhiri paLimpopo tinotenga, tigoona kuti tinouya nechii.

Hausi munana iwoyo wokuti vanhu vanozadza matengu nechikafu mumasupermarket, vonobhadhara namadhora ane tsvina inonzi tsvina, mamwe akabvaruka, mamwe akanamwa neglue?

Iye zvino kwakatangwa “plastic money”. Vazhinji havasati vanyatsonzwisisa kuti zvinofamba sei, asi zviri kutofamba, nokuti nguva haimiriri munhu. Zviri kufamba sokufamba kwakaita maUSD namaRand atakangoshandisa tisingazivi ma”security features” awo.

Pfungwa dzakasungwa na2007/2008 ngadzibude muvanhu kurukwe mazano anovaka ramangwana, kwete kuti chese chabva murongo reHurumende ngachitsondwe. Tsoropodza, asi uchipawo pfungwa dzakajeka dzokuti zvinhu zvingaitwa sei!

Share This:

Sponsored Links