Mufushwa une dovi kunaka

13 Dec, 2022 - 19:12 0 Views
Mufushwa une dovi kunaka

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

naMuchaneta Chimuka

USAVI hwemuriwo wemufushwa une dovi kudya kwechivanhu kunovaka muviri kubva makare-kare.

Zvino svondo rino Mai Anesuishe Cosmas vekwaMakoni vanodorongodza mamwe mabikirwo emufushwa.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, muriwo wakafushwa, hanyanisi, madomasi nemunyu.

Mabikiro:

Tora hanyanisi nemadomasi wosuka nemvura inotonhora.

Cheka kuita zvidimbu zvidiki wogadza poto, chikari kana pani pamoto.

Isa mvura uye kana yave kufashaira, tora muriwo woisa imomo kwemaminitsi gumi.

Chiisa hanyanisi imwe nemadomasi maviri wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-kwata.

Muto wacho, isa munyu mushoma.

Raidza wozobura. Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey