Mufushwa wehowa une dovi

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Mufushwa wehowa une dovi Mufushwa wehowa

Kwayedza

MUFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti hune mavitamin neiron izvo zvinobatsira kuti muviri ugare wakagwinya.

Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wehowa.

Zvinodiwa:

Chikari, mufushwa wehowa, mafuta, matomatisi, hanyanisi nedovi.

Mabikiro:

Geza howa hwakaomeswa.

Huise muchikari, wodira makomichi matatu emvura.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.

Bura wokuna kana kubvisa mvura yese irimo.

Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.

Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu.

Kurungira dovi zvikore wosiya zvichikwata.

Kana zvadai, chinyatsogara pasi nemhuri mozviruma zvenyu rurimi nekunakirwa.

Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links