Mufushwa wemunyemba

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mufushwa wemunyemba

Kwayedza

MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose.
Tinowana Vitamin C, Iron uye mapuroteni kubva mumufushwa une dovi.
Marian Mutukirwi wekuNyajena, kuMasvingo, svondo rino ndiye anorondedzera mabikirwo eusavi uhu.
Zvinodiwa:
Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, matomatisi nehanyanisi.
Mabikirwo:
Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.
Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.
Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.
Isa muchikari chine mafuta mashoma.
Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.
Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.
Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.
Vhara chikari wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wobva wazobura.
Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey