Mufushwa wemunyemba une dovi

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Mufushwa wemunyemba une dovi Mufushwa wemunyemba une dovi

Kwayedza

MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose.
Mumufushwa uyu munowanikwa kudya kunosanganisira iron inova inosimbisa mapfupa.
Kudya uku kunowedzera zvakare mared blood cells ayo anoita kuti muviri uwane mweya wekufema (oxygen) wakakwana.

Svondo rino Mai Nomsa Jere vekuGweru vanotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wemunyemba une dovi.

Zvinodiwa:
Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, soda, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:
Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.
Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.
Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.
Chiuisa muchikari chine mafuta mashoma. Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.
Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.
Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.
Vhara chikari wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wochizobura.
Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>