Uncategorized

MUGOTI WAKAURAYA MUNHU. . . vahosi nanyachide vachirwira murume

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
MUGOTI WAKAURAYA MUNHU. . . vahosi nanyachide vachirwira murume

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti ari kutsvaga mudzimai wekuMkwasine, kuMasvingo, nemeso matsvuku zvichitevera mhosva yaari kupomerwa yekuponda mukadzi waaive pachipari naye apo vairwira mabasa epamba anosanganisira kuwacha hembe dzemurume.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa31 Chikunguru.

“Semapurisa, tiri kushushikana nenyaya dzekupondana kwevanhu. Tine nyaya yakaitika masikati emusi wa31 Chikunguru, pane mudzimai ane makore 33 watiri kuferefeta nenyaya yaari kupomerwa yekuponda aiva mudzimai mudiki wemurume wake uyo anga aine makore 21 okuberekwa. Nyaya iyi yakaitika kuVillage 3 kuMkazi, kuMkwasine, kuMasvingo,” vanodaro.

Vanoti madzimai maviri aya anonzi akatanga kukakavadzana nekuda kwemajana ekugeza mbatya pamusha apo vahosi vanonzi vakatora mugoti ndokurova nawo nyachide kugotsi zvikaita kuti akuvare.

Mudzimai mudiki akazoendeswa kuchipatara cheMashoko, kwakare kuMasvingo, uko akasvika achifa.

Vahosi ava vanonzi vakabva vatiza vachienda kusina anoziva.

Asst Comm Nyathi vanoti mune imwewo nyaya yakaitika zuva rimwe chete iri nenguva dzehusiku kuVillage 9, kuChikuti, kuHurungwe, chembere yemakore 85 yakarohwa nevarume vaviri vemumusha mumwe chete ichipomerwa kuti yainge yaroya mwanakomana wayo anova shamwari yevarume ava.

“Tine imwe nyaya zvakare yatiri kuferefeta yevarume vaviri vanoti Norest Tsongora (27) naNochance Madzima (33) avo vanonzi vakaenda kumba kwemudzimai aiva nemakore 85 vachimupomera kuti ari kuroya mwanakomana wake uyo aiva sahwira wevarume vaviri ava. Vaviri ava vakasvika pamusha pemudzimai uyu ndokubatidza dzimba nhatu dzehuswa nemoto.

“Mudzimai uyu akazoda kubuda panze kuti aone zvaiitika apo vanonzi vakamurova nedanda pamhanza achibva apunzika pasi.

“Vaviri ava vanonzi vakazobatirana mudzimai uyu vachibva vamupisa nemoto mushure mekutungidza huswa apo akaita maronda muviri wose, ndokuzonofira kuchipatara cheChinhoyi Provincial Hospital nekuda kwemaronda aya,” vanodaro.

Varume vaviri ava vari kutsvagwa nemapurisa.

“Chikumbiro chedu kuti vane ruzivo nekuda kwenyaya mbiri idzi vatibatsire kuti tikwanise kusunga vanhu ava,”

Share This:

Sponsored Links