
Fungai Lupande
KUGADZIRWA kwemugwagwa weMt Darwin-Nyakasikana-Masango, uyo unodimbudzira kuenda kuchipatara cheKaranda Mission Hospital uye wave pedyo nekupera, kwaderedza zvakanyanya mari inoshandiswa nevarwere vanobva kunzvimbo dziri kure pamwe chete nevemunharaunda.
Kare, varwere vaifanira kuyambuka rwizi Ruya, uko vamwe vaitaridza vatyairi vedzikotokari nzira dzisiridzo kuitira kuti vazovabhadharisa mari apo vanovabatsira kana varasika.
Mimwe migwagwa yekupoterera kuenda kuchipatara ichi, Mt Darwin-Nhoro-Karanda Road neMt Darwin Mudzengerere-Karanda, yose yakareba makiromita makumi matanhatu nemaviri.
Mugwagwa mutsva uyu weMt Darwin-Nyakasikana-Masango-Karanda wakareba makiromita makumi mana nemana zvinoita kuti udimbudzire zvakanyanya kuenda kuchipatara ichi.
Cde Lovemore Matuke, vanove Minister of State for Presidential Affairs in the Office of the President and Cabinet, nguva pfupi yadarika vakaongorora mafambiro ari kuita basa rekugadzirwa kwemugwagwa uyu.
Vanoti mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakavhura zviri pamutemo zambuko reKaranda munaKubvumbi 2021 uye ndokuudza veRural Infrastructure Development Agency (RIDA) kuti vaise tara chinhambwe chemakiromita gumi nemanomwe mumugwagwa unobatanidza nechipatara ichi.
Vakafadzwa nemagadzirirwo ari kuitwa mugwagwa uyu, uyo wave pedyo kupedziswa.
“Chipatara cheKaranda chine nhoroondo yakakura, vanhu vanobva kumativi ose enyika vanouya kuno kuzorapwa. Varwere vanounzwa kuno kubva kune zvimwe zvipatara zvikuru,” vanodaro.
“Zvakakodzera kuti mugwagwa uyu ugadzirwe. Vanhu vaishandisa migwagwa inopoterera kuti vasvike kuchipatara. Tinotenda mutungamiriri wenyika nekuuya nechirongwa ichi, icho chave kubatsira zvakanyanya kusimudzira upenyu hwevagari vekuno.
“Pari zvino zvachipa kubva kuHarare uchienda kuKaranda,” vanodaro.
Nekusanaya kwemvura nekuda kweEl Nino gore rino, Cde Matuke vanoti zvichitevera kugadzirwa kwemugwagwa uyu, zvave nyore kuti vemarori vatakure chikafu vachiunza kunharaunda dzakapoteredza chipatara ichi.
Vanoti ibasa reRIDA kugadzirisa nekuchengetedza migwagwa midiki yese inoenda kumumigwagwa mikuru.

Dr Paul Thistle
Mukuru wechipatara cheKaranda Mission Hospital, Dr Paul Thistle, vanoti mugwagwa mutsva uyu usati wavepo, chipatara ichi chaibatsira varwere vanosvika zviuru makumi manomwe nezvishanu pagore, asi pari zvino huwandu uhu hwawedzera kusvika pazana rezviuru kubva gore rapfuura.
Vanotenda Hurumende nekuvakisa zambuko remumugwagwa uyu inove budiriro huru.
“Tinogamuchira uye kubatsira varwere vanobva chero kunzvimbo ipi yenyika. Mushure mekuona budiriro iyi, vatinoshanda navo vari kubatsira nemishonga pamwe nekuvandudzwa kwechipatara. Taitambira varwere vanosvika zviuru makumi manomwe nezvishanu pagore, asi huwandu hwacho hwakawedzera kusvika pa100 000 gore rapfuura,” vanodaro.
Mambo Dotito, VaTakendza Nyawanza, vanotenda Hurumende nekuiswa kwetara kwemugwagwa uyu pamwe nekugadzirwa kwezambuko.
“Vemabhizimisi vari kufarawo sezvo vave kukwanisa kuunza zvinhu zvavo nyore,” vanodaro.

Mai Cecilia Gombo
Mai Cecilia Gombo, avo vakabva kuMateta 2, kuGokwe, vachiuya kuKaranda Mission Hospital naamai vavo vairwara, vanoti vakafamba rwendo rwavo zvakanaka nekuda kwemugwagwa mutsva uyu.
“Ini ndakarairwa nevamwe vanhu vakarapwa pano, uye chokwadi, ma’scan’ acho haadhure kana tichienzanisa nezvimwe zvipatara. Ndekekutanga kuuya kuno uye mugwagwa wacho wakanaka,” vanodaro.