Muimbi akapona mutsaona 3

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Muimbi akapona mutsaona 3 Tichaona Tasara

Kwayedza

Abel Ndooka

Tichaona Tasara akawanirwa nyasha muhupenyu hwake uye anorumbidza Mwari zvikuru zvichitevera kupona kwaakaita mutsaona nhatu dzemumugwagwa mukati memakore maviri.

Tasara — uyo anotungamira chikwata chePowers of Angel — anoti akambodhumwa nekombi uye akaita tsaona ari mukombi zvakare iyo yakauraya vanhu vakawanda muna2018 kozoti munaZvita gore radarika, motokari yaaive akwira yakabonderana neimwe iye akapunyuka.

Tasara anoti haana neremuromo asi chaanongogona chete kutenda Mwari vakamurwira apo akasangana netsaona nhatu idzi.

“Handizive kuti ndinotangira papi kutenda, hupenyu hwangu hungadai hwakaenda nepamwe asi nanhasi ndichiri pano nekuti Mwari vakandirwira.

“Ndakapinda munjodzi katatu mukati memakore maviri uye pese ndichingopona ndichibuda nekuti Mwari vaingondirwira. Ndinongotenda chete kuna Musiki.

“Njodzi dzese idzi dzandakaponeswa ndidzo dzimwe dzakandituma kutanga kuimba, ndinongotenda Musiki nekuti vakandirwira kuti ndisvike pandiri pano kuda kwenyasha dzavo,” anodaro Tasara.

Muimbi uyu akwanisa kutsikisa madambarefu mashanu uye rekupedzisira racho – Ndinzwirei Ngoni – akariparura munaMbudzi gore radarika.

Dambarefu iri rine kambo kanetsa zvikuru kanonzi Dzosera Zvawakabirwa ako kanotaura pamusoro pekurwirwa naMwari hondo dzese idzo munhu anenge achisangana nadzo muhupenyu hwake.

“Gore radarika, ndakaparura dambarefu rangu rechishanu, Ndinzwirei Ngoni, iro rizere nenziyo dzinotaura pamusoro pezvandakasangana nazvo muhupenyu hwangu kusanganisira kurwirwa kuchengetedzwa kubva kutsaona,” anodaro Tasara.

 

Share This:

Sponsored Links