Muimbi apotsa asiya nyemba

08 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Muimbi apotsa asiya nyemba Nyasha Kapfumvuti achiratidza vende repakabva zino nemuromo wakakuvara apo akarwiswa nematsotsi - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 21 okuberekwa anogara kuMbare muHarare, uyo anove muimbi uye mutambi wekarate, anoti akapona nepaburi retsono zvichitevera kurohwa kwaakaitwa nechikwata chematsotsi pedyo neMupedzanhamo nemusi weChipiri husiku.

Nyasha Kapfumvuti anogara kumahositeri eChishawasha muBlock 11 anoti aibva muguta reHarare kuma7 dzemanheru apo aimhanya achidarika nepaFly-Over yekuMagaba ndokusangana nevarume vanomwe avo vakabva vatanga kumurwisa.

“Ndakangodarika varume ava nekunze kwavo, mumwe wavo ndokundibata bhandi nekumashure ndokutanga kundirwisa. Ndakarwisana navo ndichishandisa zvidavado zvangu zvekarate vachida kundipunzira pasi vachitadza.

“Asi ndakarohwa muromo nepaziso nemhuno ndikaona nyenyedzi mumaziso,” anodaro Kapfumvuti.
Mukurohwa uku, anoti akaguka zino ndokuchenyenguka muromo asi haazive kuti akarohwa nei.

Nyasha Kapfumvuti

“Handizive kuti chibhakera here chakandirova pamuromo nekuti ndakazongoona ndisisina zino, kana parakadonhera handina kupaona. Regai ndikurudzire vamwe kuti mitambo yekusimbisa miviri yakanaka nekuti dai pasina izvozvo vangadai vakandiuraya.

“Chavakagona kutora ibhutsu chete idzo dzakadonha pakusimudza makumbo ndichirovana navo.”
Kapfumvuti anoti kurwisana uku kwakatora maminetsi ari pakati pemana kusvika mashanu.

“Nhare dzangu mbiri vakatadza kudzitora nekuti zvibhakera nemazhaba zvakanga zvavawandira apo ndakazomanikidzirwa kumudhuri. Ndakazosvetukira mujuraworo repachechi umo ndakasvikotambirwa nembwa dzakada kundiruma kudzimara ndakanosvetuka zvakare mudhuri kuenda kwakadziva kumugwagwa waSimon Mazorodze, ndiko kupunyuka kwandakaita,” anodaro.

Kapfumvuti, uyo anova muimbi weZim-dance hall neAfro-Jazz achishandisa zita rekuti Niyashi Music Production, anoyambira veruzhinji kuti vasafambe voga munzvimbo dzakavandika munguva yehusiku.

“Ndinoti nyika yaipa, ngatifambei kwakachena nekuti kune vamwe vechidiki vapanduka kuita mapere chaiwo. Vanoda kudya zvavasina kurima.

“Ivo vechidiki ngavazvishandire kwete kuita mabasa ekuba. Ndinokurudzira vanokwanisa kuita mitambo yekusimbisa miviri kuti vaite nekuti zvinobatsira kurwisa zvirwere nekuzvidzivirira kana wawirwa netsaona sezvandakaita izvi.”

Anoti akazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa akapihwa gwaro rekunorapwa kuchipatara cheSally Mugabe Hospital uko kwaachiri kuongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey