Muimbi Chirenje auya nezvitsva

16 Apr, 2023 - 12:04 0 Views
Muimbi Chirenje auya nezvitsva Sandra Chirenje

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wenziyo dzechitendero, Sandra Chirenje, akabura dambarefu idzva rine nziyo sere dzemusambo weAfro-Fusion rinonzi Mapisarema.

“Musambo weAfro-Fusion unoreva kuti tinenge tichishandisa zviridzwa zvinosanganisira mbira, marimba, magitare, ngoma, keyboard, hosho, nematende (shakers). Dzidziso yangu ndeyekuti munhu rongeka pane zvose zvaunoita,” anodaro.

Chirenje anoti upenyu hwevanhu hwakasiyana-siyana nekudaro munhu anofanirwa kugamuchira zvaari.

“Kana ukada kuzvienzanisa nevamwe muupenyu, unobatwa negodo ukapedzisira wava neruvengo kana kubata-bata mishonga. Asi zvose hazvishandi nekuti mishonga inokupandukira.

“Zvakakosha kushanda nesimba uchibvunzawo vamwe vari kubudirira kuti vari kuzvigona sei wotangira ipapo, unotoona zvichikuitira. Zvinhu zvose zvinoda kushinga, kumirira nguva yaMwari uye kuvimba navo.” anodaro.

Chirenje anoti dambarefu rake idzva iri rave rechina zvichitevera rekutanga iro akabura mugore ra2012 rine musoro unoti Ndamuwana Jesu, richitevera naTichaivaka Chete (2015) uye muna2018 akaburitsa rinonzi Shekinah.

Mudzimai wechidiki ari kusimukira munyaya dzekuimba uyu anokurudzira vamwe vaimbi kuti vafarire kushambadza mabasa avo padandemutande reSocial Media rinosanganisira YouTube, Facebook neInstagram.

“Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kwakatidzidzisa kuti mari haichangowanikwa mukuita mashoo chete, asi kuti ukagona kuzvishambadza basa rako pamasaisai une chikamu chemari yaunowanawo ipapo uchitoraramisa mhuri. Kunyika dzakabudirira, vazhinji ndizvo zvinovapa raramo nokudaro muno muZimbabwe tinogona kuita zvimwe chetezvo.”

Chirenje anoenderera mberi achiti: “Tinoona vaimbi vakawanda vakambomira kubura madambarefu matsva nekutya kubirwa basa ravo (piracy) asi ndinoti isai mazita enyu pamasaisai ipapo, munotoona kuti vanhu vanokuteverai muchitaura navo. Pamunoshorwa paya, tambirai mashoko ose mobva magadzirisa.”

Share This:

Sponsored Links