Muimbi Gonora onanga kuItaly

13 Sep, 2022 - 22:09 0 Views
Muimbi Gonora onanga kuItaly Daniel Gonora achiridza magitare nevana vake muHarare

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

 

MUIMBI ane dambudziko rekusaona, uyo ari kusimukira mune zvemimhanzi, Daniel Gonora ari kuenda kunyika yeItaly mangwana mushure mekuwana mutsigiri weko.

Achanoimba ikoko kwesvondo.

Kwayedza yataura naGonora manheru ano achiti ane mufaro mukuru uye anotenda Kwayedza iyo yakamunyora munguva yekutsviriridza kwechirwere cheCovid-19 muno apo aitsanangura matambudziko aisangana nevaimbi munguva dze”lockdown” sezvo vaisakwanisa kuridza vakaunganirwa nevatsigiri vavo.

Zvikwata zvakawanda zvakatambura munguva iyi nekuda kwekuti hazvaiita mari sezvo mashoo ainge akambomiswa pasi pematanho ekuedza kuderedza kupararira kweCovid-19.

Zvisinei, matanho aya akanyevenutswa neHurumende uye vaimbi vava kuita mashoo.

Gonora achasimuka akananga kuItaly mangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey