Muimbi Musasa odzoka kumusha

24 May, 2023 - 19:05 0 Views
Muimbi Musasa odzoka kumusha Dedicated Kerrymore Musasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira – Dedicated ‘Kerrymore’ Musasa – akadzoka munyika kuzotanga kuita mashoo nekushambadza mimhanzi yake mushure mekunge apedza makore mazhinji achigara kuSouth Africa.

Musasa ange achigara kuSouth Africa uko aishanda mabasa akasiyana pamwe chete nekutsikisa nziyo dzake izvo zvakamuona achibika madambarefu mana emisambo yakasiyana inoti Sungura, chitendero neZim-dancehall.

Muhurukuro, Musasa anoti chakamutuma kuti achidzoka kumusha inhau yekuda kuita mashoo nechinangwa chekuti mimhanzi yake ipinde muvatsigiri nekugadzira zita rake.

“Ndakadzoka manje munyika, ndine chinangwa chimwe chete chekugadzira zita rangu muindastiri yemhanzi. Kana uchigara kunze kwenyika, kazhinji zvinogona kunetsa kuti nziyo dzako dzitambirwe saka zvinoda uri pedyo munyika wosunda mimhanzi yako kuti igopinda kuvatsigiri.

“Ndine hurongwa hwandinaho uho ndichafamba naho uye ndinovimba kuti huchabatsira kuti mimhanzi yangu itange kupinda muvatsigiri. Ndiri kuronga kuita mashoo akawanda kumatunhu ose uye ndichifamba nevamwe vaimbi avo ndinovimba kuti vachandibatsira nekundiratidza gwara,” anodaro Musasa.

Kubva atanga zvemumhanzi, Musasa akwanisa kutsikisa madambaredu mana anoti Dariro Hamuzakatipa, Chibvindibvindi, Chingwa Chehupenyu uye Wrong Connection iro akaburitsa kutanga kwegore rino.

Muimbi uyu anoti makore ano mimhanzi yave kunyanya kushambadzwa pazvirongwa zvepadandemutande seYouTube, Facebook, Tik Tok neInstagram.

“Tiri kurarama munguva iyo zvinhu zvinenge zvichishanduka nguva nenguva, makore edandemutande re‘Social Media’ saka sevaimbi ngatishandise zvirongwa izvi kushambadza basa redu nekuti ndiko kuri kuswera kuine vanhu vakawanda.

“Tinoziva kuti vaimbi tajaira kugadzira maCD asi haachatengwe nekuda kwepairesi saka ngatishambadze nziyo dzedu padandemutande apo vatsigiri vanoiwana iripo voitenga ipapo,” anodaro.

Pari zvino Musasa ari mushishi kuumba chikwata chake chinonzi The Music Disciples icho anoda kufamba nacho achiita mashoo munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey