Muimbi ochema

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Muimbi ochema

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Roe Makawa – anoti chirwere cheCovid-19 chakadzosera basa rake kumashure sezvo aive nehurongwa hwekutenderera kunze kwenyika achinoridza mashoo pamwe nekushambadza nziyo dzake.

Kubva denda reCovid-19 rakatanga kuuraya vanhu vakawanda izvo zvakazotuma kuti mashoo emagitare amiswe munyika ino pamwe nekune dzimwe nyika, vaimbi vazhinji kunyanya vemuno upenyu hwavo hwakasanduka sezvo vange vachiraramiswa nemari dzavanosiwana kubva kumashoo.

Achitaura neKwayedza, Makawa anoti, “Sevaimbi, basa redu rakanganiswa zvikuru nekuda kwekuuya kwakaita Covid-19 sezvo vazhinji kusanganisira ini, kuridza kunze kwenyika zvinhu zvatinotarisira zvikuru. Asi zvose zvakakanganiswa sezvo tange tisisatenderwe kuenda kune dzimwe nyika.

“Sevanhu vanoraramiswa nemimhanzi, vamwe vedu vasvika pakuita mamwe mabasa asinei nezvemimhanzi nekuti vari kutsvaga kuraramisa mhuri dzavo. Asi semunhu anenge apedza makore achishanda achinyora nziyo dzake uye achironga, unenge uchida chaizvo kuti ugowana pundutso kubva mubasa iri.

“Zvino zvose izvi zvakakanganiswa nekuuya kweCovid-19.”

Makawa anoimba nziyo dzechitendero achisandisa misambo yeMbaqana, House neSungura uye akatanga kubura rwiyo rwake mugore ra2015 urwo rwunonzi Bayethe ndokuzouya dambarefu Bayethe mugore ra2016.

Mamwe madambarefu ake anosanganisira Ulerato (2017), Sebawothe (2017), Kuphelele (2018), Mvumele (2019) neNgiyabonga (2020).

Nziyo dzaMakawa dzakaita mukurumbira dzinosanganisira So sweet, Reboka Jesu, Jaivha, Ngizohamba nawe naEemelela.

Akakwanisa kushanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Thembalami, Sebastain Magacha, Wellington Kwenda uye anoti anoyemura zvikuru vaimbi vanoti Mai Olivia Charamba naRebecca Malope wekuSouth Africa

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey