Muimbi ocheresa chibhorani kuMudzi

24 Mar, 2022 - 22:03 0 Views
Muimbi ocheresa chibhorani kuMudzi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weSungura, Collen Timeo, obatana nevagari vekuMudzi kuunganidza mari yekucheresa chibhorani pachikoro cheMapombo Primary School icho chichazobatsira vagari vemunharaunda iyi kuwana mvura yakachena panguva ino yekurwisana nedenda reCovid-19.

Timeo, uyo vazhinji vanoziva saWairemera Boss, anoti apo pasi rose riri kurwisa chirwere ichi, zvakakosha kuti veruzhinji varangarire kwavanobva vachibatsira hama neshamwari dziri kutambudzika.

Anoti iye semunhu anobva kuMudzi, uko kwaakadzidza pachikoro cheMapombo Primary, akaona zvakakodzera kubatana nezvimwe zvizvarwa zvekunzvimbo iyi mukuunganidza mari yekucheresa chibhorani pachikoro ichi.

Timeo anoti imwe mari yavanenge vasarirwa nayo vachaipa vanotambudzika pamwe nekuendesa vana vanobva kumhuri dzinoshaya kuchikoro.

“Tave kurarama upenyu hutsva nekuda kwekuuya kwakaita denda reCovid-19. Saka sevanhu vanobva kuvanhu, tinofanirwa kurangarira kwatakabva tobatsira hama dzedu mukurwisa denda iri.

“Chirongwa chatiri kuita chekucheresa chibhorani chakakosha zvikuru nekuti vanhu vanofanirwa kuwana mvura yakachena nguva dzose. Hatidi kuti tiri pakati pekurwisa Covid-19 tobva tasangana nemamwe matambudziko ezvimwe zvirwere, aiwa kwete,” anodaro Timeo.

Timeo kubva apinda mune zvemhanzi, akwanisa kutsikisa madambarefu anoti Namata Musiki, Huni Dzegehena naWairemera.

Ane dzimwe nziyo dzaakatsikisa dzinosanganisira Mutitungamirire ako kanokurudzira vanhu kufamba zvakanaka mumigwagwa kuti njodzi dziite shoma.

“Ngatitevedzerei mitemo yose yemumigwagwa patinofamba nekuti njodzi dziri kuwanda, tiri kurasikirwa nehama dzedu. Ndine kambo kandakatsikisa kanonzi Mutitungamirire ako ndinochema ndichikumbira kunaMwari kuti vatitungamire pese patinofamba njodzi dziite shoma mumigwagwa,” anodaro Timeo.

Share This:

Sponsored Links