Muimbi otsvaga rubatsiro

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Muimbi otsvaga rubatsiro Washington Chokumanyara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wenziyo dzechitendero anorarama nehupofu wemumusha weEmakhandeni muguta reBulawayo anoti atambudzika zvikuru nekushaya rutsigiro rwekuti atsikise nziyo dzake.

Washington Chokumanyara (54) – uyo anoimba nechikwata chake cheChokumanyara Gospel Trumpets – anoti ave nemakore akawanda achitsvaga rubatsiro rwekutsikisa nziyo dzake pasina chiri kubuda.

“Ndine chikwata changu chandakaumba ichi ndiri mukati mechechi yandinopinda yeKudzayi Mweya Mutsvene Apostolic Church. Ndinobatsirana kuimba nevana vangu vaviri zvikomana zvinoti Blessed naNqobzitha Chokumanyara avo vanova nyanzvi zvikuru munyaya dzekuridza magitare nekuimba,” anodaro.

Muimbi uyu anoti akatanga kuimba makore anodarika gumi.

“Kuchechi kwandinopinda kune vakawanda vanovimbisa nevamwewo vakasiyana kuti vachandibatsira nditsikise asi zvinoramba nekuti hapana anozokwanisa kuzadzikisa chivimbiso chacho. Izvozvi ndinongova negitare rimwe chete iro tinodzidzisana ini nevana vangu tichinyora nziyo dzedu pasi dzakawanda zvikuru idzo tinadzo izvozvi. Dambarefu ratakapedza mukati menziyo dzakawanda takakwenenzvera rinonzi Denga Razarurwa iro rine nziyo sere,” anodaro Chokumanyara.

Chokumanyara anoti padambarefu rake iri kambo kenhangaruvanze kanonzi Denga Razarurwa, kachiteverwa nedzimwe dzinosanganisa Makomborero, Nhai Mwariwee naTirangarireiwo.

Muimbi uyu anoti dzimwe nguva anohaiwa achinoridza kune mamwe machechi achishandisa midziyo yavo yekuridzisa uye hapana kubhadharwa kwavanoitwa.

“Chinangwa changu semuimbi asati azivikanwa nekusimukira uyewo ndichirarama nehupofu ndechekuti ndiwane zvekuridzisa nemotokari yekuzotakurisa midziyo. Ndinoda kufamba kunzvimbo dzakasiyana muno munyika ndichirakidza hunyanzvi hwangu uye ndinoshuvirawo kuzoita mukurumbira sezvakaita vamwe vane mazita ekuimba dzimbo dzechitendero,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nekufamba kwenguva, ndinoda kuzotorawo vamwe vechidiki vemuchechi medu ndichivadzidzisa kuridza magitare nengoma.”

Kune vanoda kubatsira Chokumanyara vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 956 787.

 

Share This:

Sponsored Links