Mukadzi abatwa ne144kgs dzembanje

18 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Mukadzi abatwa ne144kgs dzembanje Mbanje

Kwayedza

BASA riri kuitwa nemapurisa rekurwisa dambudziko rekutengeswa pamwe nekutorwa kwezvinodhaka riri kuratidza kuve nezvibereko.

Izvi zvinotevera kusungwa kwemudzimai ane makore 52 okuberekwa wekuChitungwiza mushure mekuwanikwa aine mbanje inorema 144kgs ari mubhazi kwaRusape.

Boka rePolice Intelligent Unit rakatambira mashoko ekuti Silvia Sithole wekuSt Mary’s kuChitungwiza aive nembanje mubhazi raibva kuChipinge richienda kuHarare. Mapurisa aya akazivisa vamwe vavo vaive paroadblock maRusape.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti mapurisa paakasecha bhazi iri, vakawana saga re90kgs raive nembanje vachibva vangobata bhazi iri.
Bazi iri rakazosechwa zvakare paRusape Central Police Station uye mamwe masaga mana embanje akawanikwa mubhuti.

“Musi waGunyana 14, mapurisa edu eIntelligence Unit kwaRusape akanyeverwa kuti rimwe bhazi raibva kuChipinge richienda kuHarare rakanga rakatakura mbanje. Chikwata ichi chakasvitsa mashoko aya kune chimwe chikwata chaive paroadblock pa170km peg mumugwagwa weMutare-Harare Highway.

“Kuma4:30 mangwanani, bhazi rakasvika paroadblock rikasechwa. Pakazowanikwa saga re90kg rakazara mbanje bhazi ndokutorwa kuendeswa kukamba yemapurisa. Bhazi iri rakazosechwa zvakare mamwe masaga mana e90kgs akawanikwa ari mubhuti.

“Kondakita webhazi, Dzingai Matanga, akabvunzurudzwa achibva adoma Sithole semuridzi wembanje izvo zvakaita kuti asungwe. Mbanje iyi yakanoyerwa kuZimpost uye huremu hwayo hwaive 144kgs,” vanodaro Insp Muzondo.
Vanoti mapurisa acharamba achisunga vose vanotengesa zvinodhaka munyika.

Share This:

Sponsored Links