Uncategorized

Mukadzi akabatwa aine mbanje

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
Mukadzi akabatwa aine mbanje

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKADZI wechidiki pamwe neshamwari yake yechirume, vose vanogara kuChitungwiza, vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts mushure mekubatwa vaine mbanje dzakamonwa dzine huremu hwe0.39kg.

Mavis Chipwanya (45) wepanhamba 18586 Unit L neshamwarirume yake, Taurai Zinyenge, wepanhamba 9507 Unit K vakamiswa pamberi pemutongi wedare iri VaBrighton Danana vachitongwa nemhosva yekuwanikwa vaine zvinodhaka zvinova zvisingatenderwi pasi pemutemo.
Chipwanya akapihwa chirango chekubvisa faindi ye$5 000 uye kukundikana kwake anogara mujeri kwemazuva 60.

Zinyenge akaita rombo rakanaka apo akapukunyuka pamhosva iyi mushure mekuonekwa kuti aingori shamwarirume yaChipwanya iyo yakanga ichingonenerwawo munyaya iyi nemudikani wake.
Muchuchisi Mandirasa Chigumira anoudza dare kuti nemusi wa3 Kubvumbi gore rino, mapurisa akanyeverwa kuti vaviri ava vakanga vaine zvinodhaka pamba pavo.

Mapurisa akabva aenda pamba paChipwanya apo vakanomubvunzurudza asi akabva anenera Zinyenge achiti ndiye aive muridzi wembanje idzi.

Zvisinei, Zinyenge akazochenurwa nedare.
Chipwanya akabatwa nemhosva mushure mekubvuma kwake uye nekudawo kweumbowo hwaimuroverera pamhosva iyi.

Akanga achimiririrwa negweta rake rekambani yeMugiya and Partners.

Share This:

Sponsored Links