Mukadzi akarambirwa juju

12 Jun, 2019 - 17:06 0 Views
Mukadzi akarambirwa juju

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuNyanga, wekunzi akarambwa nemurume mushure mekunge amubata achimushandisira mushonga, anoti murume wake anomurova kunge nyoka yapinda mumba uye rimwe zuva akambomuzvindikita zvekuti akazopedza nguva yakareba achitadza kunyatsodya apo airarama nebota.

Fortunate Muleko ndiye akaendesa Vitalis Tekesa kuHarare Civil Court.

“Changamire, murume wangu anondirova zvisingaite. Vanogara neshamhu yekundirovesa nayo, zvinhu zvacho zvavanondirovera hazviite. Ndikaita chinhu vanonditorera kuti vachiite chavo.

“Vakambondirova zvekuti ndakatora nguva refu ndisingakwanise kudya, ndichirarama nebota. Chandinongokumbira pamberi pedare rino kuti vamire kundirova, kundituka uye ndinoda kudzokera kumba kwangu kune vana vangu uko vakandidzinga nekuti vana vangu vachiri vadiki,” anodaro Muleko.

Anoenderera mberi achiti, “Murume wangu munhu anoda mhirizhonga nevanhu. Vanonetsana nevakadzi vevanhu zvekuti ndatopera chimiro muraini nekuda kwavo. Ndakambouya nehama dzangu mushure mekunetsana kwedu vakatidzinga tose, kutidzinga kunge imbwa.”

Tekesa anoudza dare kuti zvose zviri kutaurwa nemudzimai wake manyepo.

“Ndakarambana nemukadzi uyu 2016 zvekuti handizive kuti ngei ave kundiunza kumatare. Chakaita kuti ndinobvisira gupuro kumusha kwake, inyaya yekuti ndakabata mushonga waaindishandisira, ndikadaidza vabereki vake nemadzikoma ake vakati nyaya yake taitadza,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Muleko gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>