Mukadzi kupa murume mari yekuti amuroore…‘Vakomana havasi kuroora’…Kutorasika ikoko – Mai Titi

05 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Mukadzi kupa murume mari yekuti amuroore…‘Vakomana havasi kuroora’…Kutorasika ikoko – Mai Titi Mai Titi

Kwayedza

Abel Ndooka

“Chinzwaka sha, ndatenga ring, iwe neni tave ‘engaged’ uye ndine $600 yandoda kukupa (kuti) unobvisa kumba kwedu yekundiroora. Saka iwewe uchaenda kunobvisa mari iyi mangwana kumba kwedu . . .

“Ko iwe, uri kuti kudiiko? Kukumhanyirira kumberi, kuita sei kwacho? Ungaite 5 years uchidanana neni, 5 years uchingodanana neni? Apa zvekundiroora hausi kumbotaura nezvazvo kana kahwani zvako, saka uri kuda kuti ndiite sei? Ndati pamwe mari yacho ndiyo yausina saka ndinokupa . . .”

Aya mashoko anotaurwa nemumwe musikana achiudza mukomana wake uyo waanoti adanana naye kwemakore mashanu asi asingambotaura kana kuronga nezvekumuroora.

Zvino musikana uyu haachada zvekunonokerwa zvekuti azvipira kubvisa iye mari yekupa mukomana wake kuti achimuroora.

Muvhidhiyo rine Kwayedza, tsvarakadenga iyi inoudza mukomana wayo kuti makore mashanu arebesa vachidanana asi asingaronge zvekunobvisa roora kuvabereki vake izvo zvinoita kuti musikana uyu agumisire aunganidza mari yekuti ape “chibaba” chake kuti chichinobvisa pfuma “mangwana chaiye”.

Musikana uyu anoti zvakare atotenga ring, ndokubva azvipfekedza semucherechedzo wekuti iye nemukomana wake vatenderana kuti vacharoorana, kunyangwe zvazvo izvi ari kungozviita oga pasina kuwirirana.

Muchidimbu, musikana uyu azvitengera ring akazvipfekedza sezvinonzi izvi zvaitwa nemukomana wake, ndokuunganidza mari yaanoda kupa mukomana uyu kuti anomuroora.

Kana izvi zvose zvaitwa, vaviri ava vava murume nemudzimai varoorana, votogara vose.

Asika, chivanhu chinotii pamusoro pevasikana vanotenga ndivo maringi e“engangement” nekupa vakomana vavo mari yekuti vanobvisa seroora kuvabereki vake?

Kwayedza inozvitsvaga ndokuita hurukuro neveruzhinji pamusoro patsika yave kutevedzwa nevamwe vanhu muZimbabwe iyi.

Shasha yekutamba nekuimba ine mukurumbira Lynn “Lady Storm Eriza” Magodo anoti zvave kuitika mazuva ano kuti mukadzi anopa murume mari yekuti anomuroora nayo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Vakomana vemazuva ano havasi kuroora, vave kungoda kutambisa nguva yevanhukadzi chete.

Lady Storm

“Saka mukadzi kana musikana akaoona sekunge nguva yarebesa asina kuroorwa, anogona kupa mukomana wake mari yekuti anomuroora nayo sezvo anenge achida zvekupinda mumba.

“Mukatarisa pavhidhiyo ramunaro iri, musikana anenge achitoti nguva yarebesa, tave nemakore mashanu tichidanana asi hausi kumbotaura zvekundiroora,” anodaro Eriza.

Asi nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga vanoti patsika dzemuZimbabwe hazvitenderwe kuti munhukadzi abvise mari yekuzviroodza.

“Makambozviona kupi zvakadaro izozvo? Hazviite, uye ini handizvikurudzire. Bhaibheri rinoti murume ndiye baba kana musoro wemba uye amai vanouya vozogara nababa. Manje ukati iyo mari ndiroore, watozvirooraka. Kana vana chaivo vanenge vasisiri vemurume asi vako iwe mukadzi.

“Mumba imomo unengeuchitongwa Madam Boss nemudzimai achikuudza zvekuita, unenge uri panguva yakashata, zvimwe ngwarirai,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Sekuru Elisha Mutanga

Kwagara kuchitaurwa nyaya dzinoti kumwe kudzvanyirirwa kwevanhukadzi mudzimba kunokonzerwa nekuti vanhurume vanoti ndivo vanenge vakaroora madzimai, naizvozvo vanovatora sechinhu chavakatenga – semudziyo wavo uri mumba.

Felistas Edwards – uyo vazhinji vanoziva saMai Titi – anoti pachivanhu hazvitenderwe kuti musikana ape mukoma wake mari yekuti amuroore.

“Kurasika chaiko ikoko, murume haaroorwe. Kana mumba menyu hamutozombogarike zvakanaka nekuti murume anenge achiita zvaanoda achikuudza kuti ndiwe wakazviroora. Anotogona kutsvaga mumwe mukadzi wechipiri uye hauna zvaunozokwanisa kumuita nekuti anenge achiti iwe wakandimakidza kugara newe ndisingade, uyu ndiye wangu wandinoda wandichazobvisira mari yeroora.

“Zvave kuitika izvi hazvisi muchivanhu chedu chatakadzidziswa nemadzitateguru edu,” anodaro Mai Titi.

Mashoko ake anotsigirwa naTyra “Madam Boss”

Chikocho achiti munhurume ibasa rake kutsvaga nekunobvisira roora musikana waanoda senzira yekuratidza rudo rwake uye kutenda madzitezvara akamuberekera mudzimai.

Madam Boss

“Ibasa remurume kuti aroore mudzimai waanoda, ndizvo zvatinoziva. Munhurume anofanirwa kushingirira, madzitezvara vanoda pfuma inobva kumukwasha wavo.

“Pashoma paunenge unapo ipapo vanotoyemura nekuti unenge waziva kuti variko uye uri kuvatenda sezvo vakakuberekera mudzimai wako.

“Saka munhurume ngaite semurume abvise roora rake, zvimwe mozobatsirana zvakafanana nemuchato,” anodaro Madam Boss.

Kuchiti mukomana wechidiki wemuHarare, Rodreck Saizi, anoti kana mukadzi akapa murume mari yekuti amurooore imba yacho inenge isina rugare.

“Imba iyi haisvike kure ndicho chokwadi, vaviri ava havatombogarisana nekuti panenge paine kakumbunyikadzana sezvo murume anenge akamanikidzwa kuroora mudzimai uyu.

“Murume kana aunganidza mari anofanirwa kubvisira mudzimai waanoda roora nenguva yaada kwete kumhanyiswa kunzi chindiroora iye zvino iye asati agadzirira,” anodaro Saizi.

Rodreck Saizi

Vamwe vanoti kana musikana akabvisa iye mari yekuti mukomana wake ano- muroora nayo, mumba macho hamugarike nekuti mudzimai anogara achingoda kutonga murume wacho.

“Ndiyeka anenge atova baba mumba imomo. Anoita zvaanoda, iwewe murume ukangoda kupati bufu wonzi nyaya nekuti hauna kundiroora.

“Kana akada kufuma adzokera kuvabereki vake iwe unonozvireva kuna ani? Ko ukazononyadziswa wamutevera ikoko kunzi hauna kunge wakandibvisira roora unoti kudii?” anodaro mumwe murume wemuHarare uyo anongoda kuzivikanwa sa“Bond”.

Share This:

Sponsored Links