Mukadzi kutariswa seTv yemubhawa?

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
NDAKAENDA kumabiko andakagarisana nemumwe mudzimai akanga akapfeka hembe yakanga ichiremerwa nemazamu ake. Iroro harisi dambudziko nekuti Mwari vanosika vanhu zvakasiyana-siyana. Vamwe varefu, vamwe vapfupi, vamwe vatema, vamwe vatsvuku — zvichingodaro.

Asi hembe yamai ava yaremerwa kudaro, ivo vakabva vavhura chipfuva chavo zvekuti vaiti kana vakakwazisa munhu, zvakanga zvisingaite kuti urege kuona kuti kana nemukaka wavo uri kukukwazisawo.

Pakukwazisa kwavo, amai ava vaibva vasaidzira chipfuva chavo mberi. Ndakanzwa kudikitira nekusagadzikana, kwete nekuti handizive mukaka, asi nekuda kwenzira yawakanga uchifoshorerwa kumeso kwevanhu.

Mukaka wandiri kutaura nezvawo uyu waive wakazorwa mafuta, ukaiswa twunopenya-penya senyenyedzi. Ndakafunga Rwiyo Rukuru RwaSolomoni muBhaibheri panotsanagurwa munhukadzi pachinzi:

“Ko, ndiani uyo anoratidzika semambakwedza, akanaka semwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?”

Asi runako rwemunhukadzi rwunotaurwa muBhaibheri urwu harwuna kunzi ngarwushambadzwe zvekusvika pakuzorera vanhu vese vese mafuta nezvinopenya pamukaka.

Havasi amai ava chete vandakaona kumabiko vanopfeka zvinoti kuvanhu, “Mambondiona here? Nditarisei kani.”

Ndinoremekedza madzimai asingaendese miviri yavo pamushika-shika kuti vakurumidze kuwana vanovaona. Kana mukadzi akashandisa muviri wake mumakwikwi ekutsvaga vanhu vanomutarisa, achawana vanomutarisa vagomutaudza, kana vamutaudza vagozoudza vamwe varume kuti, “Hapana zvemunhu.”

Ichokwadi kuti pamba pane magetsi panoonekwa kuti pane chiyedza.

Zvimwe chetewo, pamba pane rima panoonekwa nekudzima. Kana ukabatidza magetsi, rima rinotiza uye vanhu vanokwanisa kuona zviri munzvimbo yavari.

Vanotengesa mwenje yemagetsi emudzimba vanoti magetsi anowedzera runako rwemumba kunyanya kana akagona kuiswa munzvimbo dzakanyatsosarudzwa.

Asi magetsi anovhenekera achiunza chiyedza, anounzawo tupembenene.

Kana vanhukadzi vakazvitarisa, voona sekuti kuti vatariswe, vafarirwe kana kuunganirwa vanofanirwa kunge vakabatidza magetsi eMake-up — magetsi iwayo anogona kuvanyepera. Kuunganirwa kwemagetsi netupembenene hakureve kuti magetsi akanaka kudarika chiyedza chezuva.

Chiyedza chezuva hachishevedze tupembenene, asi chinovhenekera nyika yese. Chiyedza chemagetsi eMake-up chinokoka maziso, asi maziso anotarisa haasi kutarisa munhu, asi ari kutarisa zvinhu. Maziso ashevedzwa nemukaka ashevedzerwa zvinhu zvakachipa, zvinhu zvisingagare, zvisingaremekedzeke.

Mukadzi haasi wivhi, tsiyo dzinenge mitsvairo, miromo yakatsveterwa lipstick kana nzara dzinenge dzekatsi. Kana ukaisa make-up inopfurikidza mwero, make-up isina stop sign, inongoenda kusvikira yadhumira unogona kuzvibvisa mamakisi.

Bhaibheri rinoti kuna Zvirevo 12 vhesi 4, “Mudzimai ane hunhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nekuora mumapfupa emurume wake.”

Kana uchinzwisisa runako, unoziva kunaka kwakaita korona. Korona inoshongedza kufanana nemhete kana rin’i. Korona inoreva kuremekedzeka.

Mukadzi chaiye chiyedza chinovhenekera chichiburitsa runako rwaMwari. Chiyedza cherunako rwake chinotaura zverunako nekutendeka kwaMwari. Mukadzi akanaka haatsvage kuunganirwa nekutariswa seTV yemubhawa iri kuratidza bhora reManchester City neArsenal.

Mukadzi wese — musikana kana mukadzi mukuru — makagara makasikwa zvakanaka naMwari. Makanga makanaka make-up nefashoni dzinotengesa miviri zvisati zvaveko.

Eve akanga asina make-up. Madzimai makakosha kwete nekuti mune mukaka kana zvinhu zvenyu. Mwari paakakusikai akakusikai nehumhizha hwakafanana nemaruva.

Maruva haadi munhu anowedzera rumwe runako paari. Makanaka makadaro, hakuna make-up inokunda runako rwamakapihwa naMwari. Musabatidze magetsi ekuti muonekwe nevanhu kuti apo pane munhukadzi ane chipfuva, kana magadziko — magetsi amunobatidza haaunze mwenje, asi rima.

Bhaibheri rinoti, “Anodyarira nyama achakohwa kuora.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey