‘Mukadzi oita chinamira neni’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Mukadzi oita chinamira neni’

Kwayedza

Milcah Nhakura
MURUME samusha anogara kuChisipite, muHarare — wekuti ari kuoneswa ndondo nekushungurudzwa neaimbova mudzimai wake uyo waanoti anomutevera kwose kwaanoenda achimutuka nezvinyadzi paruzhinji — akapotera kudare achida gwaro redziviriro.

Phillip Wilson amhan’arira Sihle Makawa kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Makawa aive mudzimai wangu asi takasiyana makore mana apfuura. Tine vana vaviri tose asi ndinewo vamwe vana vana nemumwewo mudzimai,” Wilson anoudza mutongi wedare Nelson Gwatidzo.

Anoenderera mberi achiti, “Chikumbiro changu kudare ndechekuti mundipewo gwaro redziviriro nekuti Makawa anouya kubasa kwangu achindishungurudza achiti $70 yandinobhadhara mendenenzi pavana vangu haikwane. Anosvika kumukuru wekubasa kwedu uyo avova akambomuudzawo kuti auye kudare rinoona nezvemendenenzi asi haadi nekuti anoziva kuti mari yaanotambira yakawanda kupfuura yangu, iye ndinesi.”

Anoti Makawa akatombouya kumba kwake aine mumwe mukadzi waakambodanana naye anonzi Memory Moyo vakabatsirana kuputsa gedhi repamba pake.

“Akambouya kubasa kwangu kumauto akachema achiumburuka achiti anoda mari izvo zvakandishaisa chimiro pamberi pevamwe vangu. Anoramba akandinamira sechikwekwe zvekuti handichina mufaro kunyangwe kumba kana kubasa.

“Chikumbiro changu ndechekuti kana asingagutsikane ne$70 yandinobhadhara adzosere nyaya kudare remendenenzi kwandakanzi ndibhadhare $70 yacho,” anodaro.

Makawa — uyo aive akamirirwa negweta rake —anoti: “Chikumbiro chake tachinzwa tichaedza kusamunetsa.”

Mutongi Gwatidzo akapa Wilson gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>