
Thupeyo Muleya
MUKADZI ane makore 33 okuberekwa wekuMbare, muHarare akatemerwa chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu nedare reBeitbridge Magistrates Court mushure mekubatwa nemhosva yekuwanikwa akatakura mbanje yairema 6,3kgs iyo inofungidzirwa kuti yakange yatorwa kubva kuSouth Africa.
Kubva munguva pfupi yadarika, pane kuwedzera kwenyaya dzevanotengesa zvinodhaka vari kuzvipinza muZimbabwe kubva kuSouth Africa vachishandisa nzira dzemukoto dzinosanganisira rwizi Limpopo uye vatakuri vanoyambuka muganhu wenyika zvisiri pamutemo avo vanozivikanwa nekunzi Omalaitsha.
Brenda Chipfunde, uyo akasungwa nemusi wa7 Kukadzi achiyedza kukwira motokari kuti aende kuHarare, akabatwa nemhosva yekutyora mutemo weDangerous Drugs Act paakamiswa pamberi pemutongi VaMbonisi Kaweni.
Akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu.
Zvisinei, mutongi akazomubvisira mwedzi gumi pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu kwemakore mashanu anotevera.
Muchuchisi, VaTawanda Chigavazira, vakaudza dare kuti nomusi wa7 Kukadzi nenguva dza6 zuva rodoka, matikitivha epakamba yeBeitbridge aifamba-famba apo vakawana mashoko ekuti Chipfunde aiva akatakura zvinodhaka zvisingatenderwe achida kubva kuBeitbridge kuenda kuHarare.
Vakazomutsvaga ndokumuwana mumugwagwa weBeitbridge-Harare uko aida kukwira motokari.
Matikitivha aya akazvizivisa kwaari ndokukumbira kusecha mukwende wake zvakaita kuti awanikwe aine mbanje inorema 6kgs.
Mbanje iyi yaive yakavigwa mu”duvet” uye Chipfunde akabva asungwa.