Mukadzi orambirwa kuchembera

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mukadzi orambirwa kuchembera

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, ari kuchema-chema kuti murume wake akamuramba achimuti achembera, ndokuroora mumwe mukadzi waave kugara gara naye pamba pamwe chete naiye apo vanopanana rudo iye akayeva.

Komborero Mapingure ataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akaendesa aimbove murume wake Tatenda Zivei achida gwaro redziviriro.

Mapingure akaudza mutongi wedare iri Noah Gwatidzo kuti: “Mambo wangu, baba ava vandishungurudza zvikuru. Tinogara tose paimba imwe chete asi hatisisiri mukadzi nemurume nekuti vakandiudza ini ndomene kuti havachandida izvo zvakaita kuti vatore mumwe mudzimai.

“Vanondishaudha, vagondituka vachiti ndiri muroyi, ndiri kuda kuvaroya ivo nemudzimai wavo uye vanoudza hama dzemukadzi wacho kuti dzindishungurudze kuti ndibve pamba pangu patakatenga tose nechikonzero chokuti vanonditi ndachembera.

“Vanorezvana nemukadzi wavo pamberi pangu vachida kuti ndiite godo. Ndakasima hangu heji yepamba, iye Zivei kwava kuidzura. Handichada kuvaona paimba yedu yekuEpworth nekuti vagara vakatotengesa zvimwe zvikamu zvesitendi kuvamwe vanhu.”

Achipawo divi rake, Zivei anoti zvizhinji zviri kutaurwa naMapingure haawirirane nazvo.

“Uyu aimbove mukadzi wangu handirambe. Asi ndiye akatondiramba achiti handichakwanisa kuita mudzimai wako nekuti ndachembera. Akaita makore matatu achigara kumusha kwake uko kwandaingoshanya ndichinoona vana nekuvaigira chikafu,” anodaro.

Zivei anoenderera mberi achiti, “Zvizhinji zvavataura ndopokana nazvo nokuti kubva tichigara tose, handisati ndambovatuka kana kuvarova uye handina kutomboroora mukadzi ini. Vakatonditi ndakadzoka nokuti ndakaona wave kuda kuita zveshamwarikadzi pandaive kumusha.”

Mutongi Gwatidzo akapa Mapingure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links