Uncategorized

mukadzi orambirwa kunaka

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
mukadzi orambirwa kunaka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaChireya, kuGokwe, akashamisa ruzhinji rwaive mudare ramambo weko apo akati ava kuramba mudzimai wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso.

Murume uyu anoti runako rwemudzimai wake rwamushaisa rugare sezvo achimutyira kuti anogona kupfimbwa nevamwe varume.

Arnold Masuka (40) akaenda kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (53), achitsutsumwa pamusoro pemanakiro emudzimai wake, Hilda Mleya (30).

Munyori mukuru mudare raMambo Chireya, VaChenjerai Chireya (40), vanoti nyaya yakadai ndeye kutanga kupinda mudare ravo.

Masuka anonzi akatanga kukwidza nyaya yake kudare iri achiti anoda kuramba mudzimai wake nechikonzero chekukuti akanakisa kudarika mamwe madzimai aanoziva.

“Paakamhan’ara nyaya yake, takambofunga kuti anorasika pfungwa, kuti chokwadi nemadiro atinoita isu varume madzimai nevasikana vakanaka, mumwe oti anoda kurambira mudzimai wake kunaka? Takamubvunzisisa ndokuona kuti aiva ‘serious’ kuti haachada mukadzi wake nekuti akanakisa pachiso izvo anoti zvamuisa panyatwa huru yekukandwa shoko rerudo nevamwe varume,” vanodaro VaChenjerai Chireya.

Mambo Chireya

Vanoti mushure mekugara nemurume uyu pasi kwenguva refu, vakazokwanisa kutambira mari yake yekumhan’ara mhosva yake, ndokumupa zuva rekudzoka kudare apo vakanyora samanisi kumudzimai wacho vachimuzivisa kuti aidiwa kudare.

“Takatambura kuti tiwane mashoko ekunyora pasamanisi ratakatumira kumudzimai uyu nekuti mhosva yacho taiishaya. Takazongonyora pasamanisi iri kuti, ‘Hilda Mleya unodiwa kudare raMambo Chireya nekuda kwemhosva yauri kupomerwa nemurume wako, Arnold Masuka, yekuti wakanyanya kunakisa pachiso kudarika mamwe madzimai. Murume wako haana kugadzikana nekusununguka kuti arambe achigara newe semudzimai wake . . . Saka unokumbirwa kuzodavira mhosva iyi,” vanodaro VaChenjerai Chireya.

Vanoti pazuva rakange ratarwa nedare, Masuka akasvika padare nemudzimai wake uye nyaya yavo ndiyo yakatanga kutongwa ikashamisa vanhu vaivepo.

“Murume uyu achitura nyaya yake kudare, anoti mukadzi wake akanaka zvekuti iye oga akangomutarisa, anotovhunduka kuti hakuna here vamwe varume vanomuda nerunako rwake. Anotizve mukadzi uyu anonyanya kunyemwerera kana vachifamba vose izvo zvinoita kuti acheukwe nevarume vavanosangana navo.

“Anoti runako rwemukadzi wake rwava kutomutadzisa kana kumusiya oga pamusha iye achienda kubasa. Akataura mudare kuti aona zviri nani kuti varambane zvavo pane kuramba achigara mujeri nekuda kwemanakiro akadai,” vanodaro VaChenjerai Chireya.

Mambo Chireya vanoti vakabvunza murume uyu kuti ashinga here kurambira mudzimai waane vana naye nechikonzero chekuti akanyanya kunaka, iye ndokuti ndizvo zvaaitoona zvakanaka pane kuti agare hana yake ichingorova.

“Anoti iye kana varume vachidhumana kana kumira vachimuyeva apo vanenge vari vose, ko chii chinoitika kana iye murume asipo? Anoti zviri pachena kuti mudzimai wake anochiviwa nevamwe varume, akati haazoziva kuti mukadzi uyu anokwanisa kuramba varume ava here kana kuti kwete,” vanodaro mambo.

Mudzimai waMasuka anonzi akanzi audze dare nenyaya yekuti ava kurambirwa kunaka.

Mleya anonzi akati, “Hamheno kuti zvakamboitika kupi zviri kutaurwa nemurume wangu zvekuti ava kundiramba nekuda kwekuti ndakanakisa. Kana paine imwe mhosva ngaabude pachena pane kundirambira kuti ndakanaka. “Zvino kana kunaka kuchirambirwa vanhu, ndinofunga ndini wekutanga ndarambirwa runako munyika muno kana pasi rose.”

Mukadzi uyu anonzi anoti vanga vagere zvakanaka nemurume wake.

Masuka anonzi akabvunzwawo nedare iri kuti pane zvikomba here zvaakambowana zviine mudzimai wake, akati hapana.

Mambo Chireya vanoti sezvo matare avo asingabvumidzwe kurambanisa vanhu, vakazokurudzira vaviri ava kuti vanoyananiswa kumba uye vagare semurume nemudzimai.

Izvi zvinonzi zvakarambwa naMasuka achiti muchato wavo wainge wapera musi watongwa nyaya iyi.

Mambo Chireya vanoti vakazovati vaendese nyaya yavo kumatare anoona nezvekurambaniswa kwevanhu, izvo zvakarambwa nemurume uyu zvakare.

Hama dzaMleya naMasuka dzinonzi vakabva padare iri vachitadza kunzwisisa kuti ichokwadi here kuti murume uyu anorambira mudzimai wake kunaka pachiso.

Zvakadai, Mambo Chireya vobvunzwa nevatori venhau nekuda kwemaonero avo parunako rwemudzimai uyu, vanotsinhira kuti inyenyedzi chaiyo pachiso.

“Iwe Mapupu, mukadzi iyeye akanaka haikona zvekutamba. Aiti akanyemwerera kudai, varume dare rose vaifizuka. Chimukadzi ichocho chitsvuku, chipfupi chine ma’dimple’ mumatama.

“Handigone kunyatsotsanangura kunaka kwake asi muno anogona kudarika vakadzi vose vandakamboona. Dai waivapo iwe, zvaitokubatawo zvemanakiro aamai ava,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti mudzimai uyu akatobva padare pavo ave kuenda nevabereki vake kumusha kwavo.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMasuka pamwe chete naMleya. Asi imwe nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza, vanoti kunaka kwemukadzi uyu hakusi kwega asi kuti zvine mashavi mukati.

“Njuzu dzinoda kushandisa vakadzi vakanaka zvikuru, zvichireva kuti mukadzi uyu anoshandiswa nenjuzu. Murume uyu kuzoramba mudzimai uyu haisi mhosva yake, aitogarwawo nenjuzu dzichimuti ‘siya munhu wedu’ kana kumusvibisa mwoyo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Callister Magorimbo vekuDzivaresekwa Extension, muHarare, vachiti: “Mweya yenjuzu inoda vakadzi vakanaka zvikuru saka inyaya iri pachena kuti mudzimai uyu anosvikirwa nemudzimu wenjuzu uyo wakafusa murume wake. Mweya uyu ndiwo wakapinda kumurume kuti asiyane nemudzimai wake.”

Vanoti vabereki vaMasuka nevaMleya vanofanirwa kuisa misoro pamwe chete vogadzirisa chivanhu chiri kunetsa pakati pevaviri ava.

Share This:

Sponsored Links