mukadzi ‘ovhiya’ murume nereza

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MURUME wekuti ari kuoneswa ndondo nemukadzi wemapoto — uyo waanoti anomucheka-cheka kumusana nereza — akatozotizira kumatare.

Desmond Kademo akamhan’arira Estere Matinyarare kuHarare Civil Court achiti akamuramba asi ari kuramba kubva pamba uye anogara achimushungurudza.

“Mambo wangu, mukadzi uyu haaterere, ini ndaneta naye. Ndaigara naye zvekuchaya mapoto uye takarambana munaChikumi asi tichiri kugara muimba imwe chete sezvo ari kuramba kuenda,” anodaro Kademo.

Anoenderera mberi achiti: “Ane mhirizhonga isingaite uye akandicheka musana wese uyu nereza zvekuti izvozvi ndine mavanga. Anonditeverera kubasa achituka shamwari dzangu kuti ndidzo dzinondifurira chipfambi.

“Pamba patinogara ndepasekuru vangu saka nekuda kwehunhu hwake, ndava kutodzingwa. Nokudaro ndinoda kuti abve pamba apa.”

Matinyarare anopikisana nezviri kutaurwa naKademo.

“Uyu murume wangu uye takaita vana vana asi haana kundiroora. Nyaya iripo ndeyekuti ndakauya kuzopihwa mendenenzi saka shamwari dzake dzinomufurira kuti andirambe.

“Ehe, ndakamucheka nereza nekuti ndanga ndanzwa nekurohwa naye saka ndaizvidzivirira.

‘‘Kubasa kwake ndinorega kuenda asi akasabhadhara mendenenzi ndinomusungisa,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidza akapa Kadembo gwaro redziviriro asi ndokuti hazvigone kuti adzinge Matinyarare pamba nekuti hapasi pake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey