Mukadzi pfacha ‘girlfriend’ yakati zete pamubhedha

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muhamed Komboni

MUKADZI wekuRedwing Mine, kuPenhalonga, akasungwa svondo rapera achipomwerwa kubaya shamwarikadzi yemurume wake nebanga pachipfuva neparuoko apo akanga amusvikira akati zete pamubhedha wake muimba yavo yekurara aine murume wake.

Fortunate Kakunguwo (26) anonzi akabaya Alice Mahuku (18), anogara mubhuku rekwaJambaya, kuOdzi, nebanga achimupomera kudanana nemurume wake zvikaita kuti akuvare zvakaipisisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringa Kakohwa, vanotsinhira nyaya iyi.

Zvinonzi nemusi wa5 Ndira gore rino, Kakunguwo akabvakachira hama dzake kumusha kwake kwaMurehwa ndokusiya murume wake, Prine Yolamu (30), ari oga pamusha pavo. Yolamu anonzi akabva atoti dzawira mutswanda sezvo akanga awana mukana wekusara achisasana nemumwe musikana waanofambidzana naye.

Kakunguwo paakadzoka kubva kumusha kwaainge ashanya, anonzi akashamisika nekusvikowana Mahuku akatozorora zvake pamubhedha wake muimba yavo yekurara.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti pave nekusawirirana pakati pevaviri ava.

Kakunguwo anonzi akabva atora banga rakanga riri mumba umu ndokudhedha Mahuku pachipfuva pedyo nezamu pamwechete neparuoko rwake rwerudyi.

Mushure maizvozvo, Kakunguwo anonzi akasiya Mahuku arere mudivi reropa ndokumhanya kumba kwemukoma wake Grace kunomuudza nezvenyaya iyi.

Grace anonzi akazouya ari chahwiriri ndokutora Mahuku akamuendesa kuchipatara cheMutare Provincial Hospital.

Mapurisa ekuPenhalonga akazosvika pamba apa vachiferefeta nezvenyaya iyi vakakwanisa kuwana banga rinonzi rakashandiswa naKakunguwo vachibva vamusunga.

Insp Kakohwa vanokurudzira veruzhinji kuti vasashandise mhirizhonga kana vachinge vanetsana nekuti zvinozoita kuti vapinde mutsekwende.

Share This:

Sponsored Links