Mukadzi roja owaridza mubhedha walandlord …. ‘Musarwadziwe, ndini ndinotumwa nababa’

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mukadzi roja owaridza mubhedha walandlord …. ‘Musarwadziwe, ndini ndinotumwa nababa’

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anova muridzi wemba iri mumusha weKuwadzana, muHarare, anonzi ari kutsika madziro achiramba kuti roja rake rechidzimai — iro rinotsvaira mubhedhurumu make nekumuitira mamwe mabasa — ridzingwe pamba apa nemukadzi wake mushure mekutadza kugarisana nevamwe murunyararo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Petronella Maungisa, uyo anova muroora wepamba apa, akamhan’arira Faustina Sangware kudare iri achida gwaro redziviriro.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Maungisa gwaro rinomudzivirira.

“Ini ndiri muroora wepamba apa, asi ndatadza kugarisana nemukadzi uyu nekuti anoita zvechipfambi uye anodhakwa saka kana adzoka anondituka nezvinyadzi achishevedzera husiku hwose uye akamira mupaseji yemba,” anodaro Maungisa.

Anoti Sangware ane daka naye sezvo achigara achimunetsa uye anotomurambidza kushandisa midziyo kana zvinhu zvepamba pavatezvara vake.

“Changamire, ndikada kuti ndiise nhumbi dzangu pawaya, iye anodzibvisa oisa dzake. Ndikada kuchera mvura, anouya ovhara pombi.

“Amwene vangu vakatombouya kubva kumusha kuzogadzirisa nyaya iyi asi hazvina kubatsira sezvo atezvara vakaramba kuti abviswe pamba,” anodaro Maungisa. Sangware anoti ose aya mabasa egodo chete sezvo Maungisa achirwadziwa nekuti vatezvara vake vanotuma iye chete kuti avatsvairire mumba mavanorara.

“Uyu mukadzi anorwadziwa neni nekuti muridzi wemba anondikumbira kuti ndimuitire mabasa. Ndikaita ndobva ndanzi ndiri pfambi. Ndini ndinotofanira kudzivirirwa nekuti ndiri kutoshungurudzwa naiye naamwene vake,” anodaro Sangware.

Anoti haadi kuti Maungisa amuti ipfambi sezvo muridzi wemba akamupa mvumo yekugara pamba apa kusvika paanodira.

Share This:

Sponsored Links