IMBWA HAIHUKURIRE SADZA:Mukadzi wacho haana kumbomufita

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

TINOFIRA kuitiswa zvatisingade kana zvatisingakwanise. Ndakanga ndaenda kunhamo nekamotokari kangu kaHonda Fit. KaHonda Fit hakadye mafuta munguva dzino dzatiri dzekunetsa kwemafuta emota.

Ndasvika panhamo, asi ndisati ndatombowana pekupaka motokari yangu, ndakabva ndagashirwa nemunin’ina wangu wandakanga ndapedzisira kuona kare. Akabva ati, “Aaa mukoma, ndiyo mota yamuri kufamba nayo iyi?”

Ndakapindura ndichishaya kuti mubvunzo usina musoro unopindurika sei nekuti zvakanga zviri pachena kuti mota yaakanga achindibvunza kuti ndiyo mota yandakanga ndichifamba nayo, ndiyo mota yaakanga achiona ndichityaira. Saka ndakamupindura ndikati, “Ehe, ko zvaita sei?”

Akabva ati, “Mota iyoyo haina kukufitai.”

Haasi munin’ina wangu chete ane hunhu nemaonero anoda kuti vanhu vasare vachiona sekuti vazvidzikisira kwazvo. Handizive kuti sei mota dzichifanirwa kufita vanhu kunge hembe. Mota hachisi chinhu chekushandisa kuti tibve patiri tichienda kwatiri kuda kuenda here?

Ndinofunga kuti nhamo yekuteerera vanhu vanenge munin’ina wangu ndiyo inokonzera vanhu kuti vazopedzisira vamanikidzira kuita zvinhu zvavasingakwanise nechikonzero chekuti vanenge vachitya kuti zvavari nezvinotarisirwa nevanhu kuti vange vari hazvisangane.

Ndine vanhu vandinoziva vakafira kuda kuonekwa. Munhu anopedzisira anosonesa sutu yebepa kuti ashamisire asi achikanganwa kuti panonaya mvura kana naiyewo achanyara.

Haisi nyaya yemota chete inonzi haina kufita munhu. Pamwe chinoita kuti vanhu vazoti zvinhu zvavanoona patiri hazvina kutifita, inyaya yekuti nesuwo vacho tinogona kunge tichirarama manyepo. Ndinoziva vakadzi vanoti nyangwe zviite sei, havafanire kushaya mari yekutenga weave.

Vakadzi ivavo vakafanana nevarume vanoti nyangwe zviite sei, handingaonekwe ndichinwa doro remasese, saka nyangwe vasina mari vanonyepedzera kunge vane mari.

Kuita zvinhu nekuti tiri kuda kuonekwa nevanhu imwe nzira yekunyepa nekuzvinyepera. Chausina hauna, uye chausingakwanise kutenga siyana nacho.

Ndakazonzwawo vakadzi vachitaura pamusoro pemumwe mukadzi vachiti, “Imi, murume wacho haana kana kumbomufita.”

Iri idambudziko rinenge dzihwa rinochururuka usina tishu kana hingichepfu. Ndekupi kunonogadzirwa vanhu kuti kana vave kuroorana varoorane vakafitana? Iko kufitana kwavo kunenge kuchinyanyotarisa chii?

Nguva zhinji ndakaona kuti vanhu vanogona kutarisa kuti mukadzi haana kufitana nemurume wake vachishandisa basa rinoshandwa nemurume, hunhu hwemurume, mapfekero kana chimiro. Zvimwe zvinhu zvatinoitirana hazvina tsitsi kana rudo.

Kana ukatarisa vanhu vanenge vachiudza vamwe vanhu kuti mukadzi wako kana murume wako haana kukufita, unoshaya kuti ivo vakambozvitarisawo here kuti vakafitana nevavo?

Kupotsera matombo hakuna kunaka kana iwe uchigara mumba yakavakwa nemagirazi.

Chinhu chakakosha kuti isu sevanhu tiremekedzane nekuziva miganhu. Kana munhu achinge atenga madomasi ake maviri, rega kuda kunomubvunza kuti “anokwana here?” nekuti iwe haugare kumba kwake, uye hauzive mari iri muhomwe make.

Zvimwechete nekunge waona munhu atenga makabheji 15, rega kunomubvunza kuti “makabheji ese ayo munoadya akapera?” Hauzive zvaatengerwa makabheji iwayo, uye nyangwe ukazviziva unenge uchida kuzoita sei nazvo?”

Ko kana munhu atenga makabheji mazhinji iwayo achida kunopa vavakidzani vake seKirisimasi bhokisi. Ko kana achienda nawo kunoita muriwo wepanhamo?

Hadzisi nguva dzese dzatinoshama miromo yedu tambofunga. Uye, hazvireve kuti kana uine muromo ungoregedzera mashoko usina kumboatsenga kuti unzwe kana achivava. Bhaibheri rinoti, “pane nguva yekunyarara, nenguva yekutaura.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>