Mukadzi wako makeke

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anogara muHarare anoti ari kushungurudzika zvikuru nekuda kwemuvakidzani wake uyo ari kubheja kuti haasi kuzorega kupfimba mudzimai wake sezvo achiti anomuda uye akamunakira.

Robson Magomo akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Evans Mukohari achiti mudzimai wake akamuratidza mashoko munhare yake ayo anotumirwa nemurume uyu achimupfimba.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Magomo gwaro rinomuchengetedza.

“Changamire, murume uyu andinetsa nekuda mudzimai wangu. Ndava kutya kuti anogona kundiparadzira imba yangu sezvo tiri vavakidzani uye ini ndinoona sezvisina hunhu.

“Mukadzi wangu akandiratidza mameseji ayo anotumirwa naMukohari achimupfimba uye rimwe zuva ndakamuona achimumanikidza kuti ataure naye,” anodaro Magomo.

Anoti Mukohari anotofonera mudzimai wake achiti anoda kushinha naye kuti amuitire mwana sezvo achimuda zvikuru.

Achipawo divi rake, Mukohari anoti haana chaanopokana nacho pachikumbiro chaMagomo uye achasiyana netsika yekupfimba mudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links