‘Mukadzi wangu akadhakwa anondirova’

23 Aug, 2019 - 14:08 0 Views
‘Mukadzi wangu akadhakwa anondirova’

Kwayedza

Tatenda Shuro

MURUME wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo nekuzvambaradzwa nemudzimai wake uyo ane marambadoro.

Emmanuel Moyana akazvuvira Rudo Butawo kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, tinonetsana nomudzimai zvekuti anoti akangonwa doro anodzoka kumba husiku uye kumubvunza anotanga kundipopotera kana kundirwisa,” anodaro.

Moyana anoti zvakare kana mudzimai wake achinge adhakwa anopwanya midziyo yemumba zvakare.

“Mukadzi uyu anosvika pakubata banga nehasha uye kana akadhakwa anopwanya midziyo yemumba. Akaputsa magonhi ematinorongedzera mbatya, akambopwanya firiji ndikatozoita zvokunzwira vana vangu tsitsi kwave kutenga imwe. Ndiri kutotya iko zvino kutenga zvimwe zvinhu nokuti anogona kuputsa zvakare,” anodaro.

Achipawo divi rake, Butawo anoti ndiye anorohwa naMoyana.

“Baba ava vavanonyepa zvose zvavanoreva. Ndinoramba kuti ndinoputsa zvinhu ini. Ini ndini ndinogara ndichirohwa pane vana, rimwe zuva akandirova akandibvarura hembe pane vana. Paakaziva kuti ndiri kuda kuuya kuno akabva amhanya iye kuzomhan’ara,” anodaro.

Butawo anoti akatomhan’arira murume wake kumapurisa kakawanda mushure mekunge amurova.

“Ndinotove nenyaya ina dziri kumapurisa dzandakaendesa nokuda kwokuti baba ava vakandibvisa zino, iko zvino ruoko haruchagona kubata zvinhu. Akandirova musi uno akandityora ruoko asi iko zvino auya kuno nokuti haadi kuti ndimusungise,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Moyana gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey