‘Mukadzi wangu ane zvikomba 5’

30 Apr, 2022 - 06:04 0 Views
‘Mukadzi wangu ane zvikomba 5’

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUKADZI wekuBulawayo anonzi akatiza musha mushure mekunge abatikidzwa nemurume wake kuti haana kuvimbika muwanano yavo sezvo ari kupomerwa kudanana nezvikomba zvishanu.

Prechet Sibanda wekuCowdray Park anonzi akatiza murume wake, Promise Khumalo, nevana vavo vatatu achienda kunogara nehanzvadzi yake kumapurazi eKensington kunze kweguta reBulawayo.

Khumalo, uyo anoti akarwadziwa zvikuru, akaburitsa pachena nezvenyaya iyi mudare reBulawayo Civil Court uko mudzimai wake wemakore 13 aitsvaga gwaro redziviriro achiti ari kumushungurudza.

Khumalo anopokana nenyaya yekuti ari kumushungurudza achiti kutsvaga kwaari kuita gwaro iri inzira yekuti asamubvunza nezvenyaya yake yekuita gumbo mumba gumbo kunze.

Izvi zvinoteverawo mashoko akataurwa nemudzimai wake mudare achimupomera mhosva yekumutyisidzira kuti anoda kumuuraya pamwe chete nevana vavo vatatu.

“Ndiri kutsvaga gwaro redziviriro kubva kumurume wangu. Pava nemavhiki matatu kubva pandakamusiya ndichinogara nehanzvadzi yangu kuKensington. Anga asiri kundibata zvakanaka.

“Anogara achiti vana havasi vake. Ndinozvishandira uye basa rangu rinoita kuti ndisangane nevanhu vakasiyana.

“Kana akandiona ndine kasitoma yechirume, anondituka ukuwo achindityisidzira kuti achandiuraya nekuisira vana vedu muchetura.

“Anoshungurudzawo vanhurume vandinoshanda navo achiti ndinodanana navo,” anodaro Sibanda.

Achipawo divi rake, Khumalo anopikisa zvataurwa nemudzimai wake achiti vanogara vachinetsana nekuti anoita chipfambi.

“Handipikisane nechikumbiro chake chekuti apihwe gwaro redziviriro. Ndakanga ndigere nemudzimai wangu murunyararo kusvika azofurirwa neimwe shamwari yake.

“Aienda kuHarare kunotenga zvinhu zvake zvekutengesa uyezve orara kukereke kwemazuva matatu. Aipedzawo svondo asipo pamba achiti ari kutengesa zvinhu zvake,” anodaro Khumalo.

Anoenderera mberi achiti, “Pose pandaimubvunza kuti aizviitirei, aiita hasha otanga kundipomera mhosva yekumushungurudza. Hakusi kuti ndaimushungurudza asi kuti ndaimutsiura sezvo tiine vana tose.”

Khumalo anoti mudzimai wake akamutiza pamwe chete nevana mushure mekunge asangana nemashoko erudo aaitumirana nevarume vakasiyana munhare yake.

“Zvakangoitikawo kuti ndakasangana nemashoko erudo munharembozha yake uye pandakamubvunza nezvazvo akabva atanga kundipomera mhosva yekumutyisidzira.

“Pandakabvunza mumwe murume aitumirawo mashoko erudo iwayo kwaari, akambotanga ati aive mumwe wemakasitoma ake aimutengeserawo huni.

“Asi pandakamubvunzurudza, haana kupokana kuti ari kufambidzana nemukadzi wangu.

“Murume iyeye ndaimutora sehama ndisingazive kuti akanga ari kutoparadza imba yangu,” anodaro.

Khumalo anoti mushure mekuita ongororo yakadzama, akatozoona kuti mudzimai wake aidanana nevamwe varume vana.

“Ichi ndicho chikonzero chiri kuita kuti atsvage gwaro redziviriro kuti akwanise kuita misikanzwa yake akasununguka pasina anomubvunza. Saka ndakazvigamuchira sezvazviri.

“Paakaenda, haana kana kundioneka uye kutaura kuti ndini ndiri kugara nevana,” anodaro Khumalo.

Sibanda anoramba zvose zvaari kupomerwa nemurume wake.

Mutongi Nomasiko Ndlovu akarasa chikumbiro chaSibanda nekuda kwekushaikwa kweumboo hwakadzama hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naKhumalo.

Share This:

Sponsored Links