‘Mukadzi wangu anoda mari zvakanyanyisa’

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Mukadzi wangu anoda mari zvakanyanyisa’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VAMWE baba vakaendesa aimbove mudzimai wavo kudare redzimhosva vachiti ari kuvashungurudza uye anoda mari zvakanyanyisa izvo zvinoita kuti vagare vachinetsana nguva zhinji. Lloyd Maniki akamhan’arira Loreta Muriwa, kuHarare Civil Court achiti amushaisa runyararo.

“Handichada kumuona, kana ndichida kuona mwana ndinoenda ndichimuona kana kuti ndinomutora ouya kumba kwangu nekuti pese pandinosangana naye anenge achingondituka,” anodaro.

Maniki anoti Muriwa haagutsikane nemari yaanenge amupa uye dzimwe nguva anomutevera kubasa kwake achimutukira nyaya yemari.

“Chinonetsa paari ndechekuti haagutsikane nemari yandinenge ndamupa, anenge achingoda imwe. Anotosvika pakunyepa kuti handina kumupa mari kuti anzwirwe tsitsi nevamwe vanhu uye kuti ndiite sendisingachengete mwana.
“Pane nguva yaakatombouya kubasa kwangu achiita ruzha achiti handina kumupa mari asi iye chokwadi aichichiziva,” anodaro Maniki.

Achipawo divi rake, Muriwa anoti kusada kuonekwa kwaari kuitwa naManiki inzira yekuti asachengete mwana nekuti pese paanoti anoda mari yemwana, anosungiswa.

“Ari kuti haasi kuda kundiona nekuti ndini ndinomubvunza mari yekuchengeta mwana, saka inzira yekuda kutiza kumuchengeta nekuti pandinomukumbira mari yemwana, anotsvaga chinhu chekuti andinyepere kuti ndisungwe nemapurisa,” anodaro Muriwa.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaManiki achiti hapana umboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMuriwa.

Share This:

Sponsored Links