Mukadzi wekuba vana 2 abatwa

18 Jun, 2022 - 10:06 0 Views
Mukadzi wekuba vana 2 abatwa Eneta Marumani

Kwayedza

Liberty Dube ari kwaRUSAPE

MUDZIMAI wekwaRusape ari panguva yakaoma zvichitevera kupomerwa kwaari kuitwa kuti akaba vana vacheche vaviri kuHarare mumakore maviri akasiyana – muna2013 na2015 – ndokugara navo kwemakore mapfumbamwe.

Eneta Marumani (48), uyo anonzi haana kukwanisa kubata pamuviri, akafumurwa nemurume wake apo akakumbira kuti vana ava vachitoreswa magwaro ekuzvarwa.

Mapurisa anotsinhira nyaya iyi vachiti Marumani akanyepera kuti ane nhumbu kaviri apo aizoudza murume wake kuti vainge varopafadzwa nevana ava.

Mukadzi uyu akasungwa neChipiri chadarika uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Mapurisa vave kutsvaga vanaamai chaivo vevana ava.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo vanotsinhira nyaya iyi.

“Muchiitiko chekutanga, Marumani wekwaMambo Chiduku, kwaRusape akasangana naamai vemwana uyu pagedhi repaSally Mugabe Hospital (yaimbonzi Harare Central Hospital), ndokuzvipira kubatsira mudzimai uyu nekumutakurira mwana wake. Mwana uyu anonzi Tawanda uye akange aine mwedzi mitatu yekuberekwa nemusi wa16 Chikumi 2013,” vanodaro.

Insp Muzondo vanoenderera mberi vachiti, “Amai vaTawanda vekubereka vakanga vakatakura mikwende yakawanda uye Marumani akatora mukana iwoyo kuba mwana wavo.

“Madzimai maviri aya akakwira kombi kuenda kumugwagwa weSeke paFlyover. Pavakaburuka mukombi, Marumani akabva anyangarika nemwana.

“Akaenda nemwana kumurume wake, Noel Gutu, kwaRusape uyo akanga asingazvifungire. Akamunyepera kuti akanga azvara mwana mukomana uyu.”

Vanoti nyaya iyi yakazobuda pachena apo Gutu akamhan’ara kumapurisa kwaRusape kuti mudzimai wake ari kutadza kuburitsa magwaro anoratidza kuti akabara vana ava (birth records) sezvo aida kuvatorera magwaro ekuzvarwa.

“Gutu paakaramba achiti anoda magwaro ekuzvarwa aya, Marumani akati haakwanise kuatora kuVengere Clinic uko kwaanoti akasunungukira vana ivava.

“Pakaitwa ongororo kukiriniki zvikaonekwa kuti pakanga pasina magwaro ekuzvarwa kwevana ava.

“Achizobvunzurudzwa, Marumani anobvuma kuti akaba vana kuHarare. Ongororo yakaitwa zvakare inoratidza kuti Marumani akashandisa nzira imwe chete iyi musi wa2 Chikumi 2015 kuba mumwezve mwana.

“Musi uyu akaenda kuWaterfalls, muguta reHarare uye ari pachiteshi chemabhazi, mumwe mudzimai aitengesa mitsvairo saka akakumbira kuti atakure mwana wake, Joseph, kuitira kuti arongedze mitsvairo yake.

“Akatora mukana uyu achibva atiza nemwana aive nemasvondo matanhatu ekuberekwa. Akaenda akanopira mwana kumurume wake semwana mutsva waabereka,” vanodaro Insp Muzondo.

Share This:

Sponsored Links