Mukadzi wekufa ndokuvigwa adzoka kumba

27 May, 2022 - 17:05 0 Views
Mukadzi wekufa ndokuvigwa adzoka kumba Enesi Nyika

Kwayedza

Arron Nyamayaro ari kuMARONDERA

MHURI yekuMarondera yakashamisika zvikuru nemusi weMuvhuro apo hama yavo yavaifunga kuti yakafa nekupondwa nemhondi ine mukurumbira, ndokuiiviga, vakaziona ichidzoka pamba.

Mhuri iyi yakatoita mariro ikaviga mutumbi wavaifungira kuti ndewehama yavo mwedzi miviri yadarika.

Mhuri yekwaChin’anga yemumusha waDowa kwaMambo Kadzunge yakaviga mutumbi wemukadzi wavaifunga kuti ihama yavo, Majory Chin’anga.

Mushakabvu ndemumwe wevakauraiwa nemhondi Bright Zhantali, uyo ari kupomerwa mhosva dzinodarika makumi maviri dzechibharo nekuponda uye ari kutongwa kumatare edzimhosva.

Majory akadzoka neMuvhuro achitobva kuChitungwiza – kwete kumakuva – uye kusvika kwake pamusha kwakakatyamadza hama dzake nevatyairi vemakombi avo vakanga vamuchema “parufu” rwake ndokunomuviga kumarinda.

Mutauriri wemhuri yekwaChin’anga, Mai Enesi Nyika (45), vanoti hapana kuonekedzana nemutumbi uyu kwakaitwa (body viewing) panguva yawakange wave kunovigwa sezvo wainga wava kuwora.

“Tiri kugara tichitya nekuti takaviga munhu watisingazive,” vanodaro Mai Nyika.

“Majory anga ava nenguva asingauye kumba kana kuridzirana nhare nehama.

“Patakatambira mashoko ekuti kune munhukadzi apondwa kuMarondera, takaenda panzvimbo iyi tikaona mutumbi uyu zvisiri izvo tichifunga kuti ndiye.

“Wakange wave kuwora uye hapana kutariswa kwemuviri kana kuvhenekwa kwakaitwa mutumbi uyu kuchipatara (post-motem).

“Tine hurombo nekuviga mutumbi wemunhu watisingazive uye tave kutya mushure mezvakaitika izvi.

“Majory mupenyu uye akagwinya.

“Takazivisa mapurisa nezvenyaya iyi uye sabhuku vave kuzivawo nezvayo,” vanodaro Mai Nyika.

Majory anonzi akange aenda kumatikitivha ekuMarondera apo mutori wenhau uno akashanyira musha wavo uye haana kukwanisa kubatika kuti ataure nezvenyaya ino.

Nyaya yake yatekeshera kuDowa uye vamwe vagari veko vave kutyira mumwe murume weko anozviti Madzibaba Bhaineji uyo anonzi ndiye akazivisa kuti mutumbi uyu waive waMajory.

“Zvimwe vangataure zvavo asika panhamo vanhu vakarwa nekuti Madzibaba Bhaineji vakange vati mutumbi uyu ndiwo uye vananga imwe hama yemumusha umu huroyi.

“Tinoda musoro waMadzibaba Bhaineji nekupesanisa kwaakaita mhuri iyi,” anodaro mumwe wevagari vemumusha uyu.
Mutumbi wakavigwa nemhuri yekwaChin’anga unonzi wakawanikwa uri mudhamu kuMarondera, usina nhengo dzakavandika nemazamu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>