Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuEpworth ange aine dambudziko rekuzvimba dumbu mushure mekuiswa runyoka adanana nemurume wemuridzi anonzi akashaya nemusi weChina chino.
Chiyedza Samantha Chenai Luwizhi (29), uyo ane nyaya yakambobuditswa mubepanhau rino nguva pfupi yadarika, anga achizvimba dumbu nemuviri wese.
Anonzi akadanana naMaxwell Chikwiramakomo (46) zvakazoita kuti mudzimai wake aende kun’anga kwaakanopihwa mushonga werunyoka rwaakaisa pamurume wake.
Izvi zvakazoona Luwizhi achitanga kuzvimba dumbu nemuviri wose.
Mhuri yaLuwizhi neyaChikwiramakomo nguva pfupi yadarika dzakambosangana kun’anga iyi pachida kugadziriswa dambudziko remudzimai uyu rekuzvimba dumbu.
Zvisinei hapana chakabuda sezvo mhuri yaLuwizhi yakashaya mari yaidiwa nen’anga iyi pamwe nemudzimai waChikwiramakomo kuti runyoka urwu rwuroyonorwe.
Mai Ronester Nyamupfukudza (46) amai vaLuwizhi naVaTonderai Danda (39) vanova babamudiki vemushakabvu vose vakatsinhira kufa kwake.
“Ichokwadi Chiyedza atisiya mangwanani ano (China) ini ndatofonerwawo nevana vachindizivisa kuti azoshaya mwana wedu. Inyaya inorwadza mufunge kunyangwe taitarisira kuti ararame zvisinei nezvakaitika,” vanodaro VaDanda.
Mai Nyamupfukudza vanoti varwadziwa zvakanyanya nefiro yemwana wavo.
“Afa musikana uya mwana wangu, ndarwadziwa veduwee. Asi wangu haaende wega, tinopedzerana chete, muchazvinzwa,” vanodaro Mai Nyamupfukudza.
Luwizhi nguva yadarika akabvuma kuti aidanana naChikwiramakomo anova murume waMemory Mondo (25) kubva mugore ra2021.
Mondo akabvuma kuti akaenda kune imwe n’anga akanopihwa mushonga werukaho uyo akaisa pamurume wake.
Maxwell akabvumawo kuKwayedza kuti aidanana naChiyedza.
Pakaenda vemhuri yaLuwizhi neyaChikwiramakomo kun’anga iyi, Mondo akati anoda kudzoserwa US$200 yake yaakabvisa paakapihwa mushonga werunyoka apowo nerimwe divi n’anga iyi ichida kupihwawo mombe mbiri naLuwizhi uye nedzimwe mbiri zvekare naChikwiramakomokuti ipinginure rukaho urwu