Uncategorized

Mukadzi wemunhu kuita Shamwari yechirume

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Mukadzi wemunhu kuita  Shamwari yechirume Mashoko Makusha

Kwayedza

Inoitawo here iyoyo . . .?

Kingstone Mapupu
ZVINOITAWO here kuti mudzimai akaroorwa aite shamwari yechirume iyo inenge yakaroorawo kana kuti murume ane mudzimai oita shamwari yemukadzi akaroorwa?

Kwayedza svondo rino yaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa mavhu nemarara – vazhinji vevakataurwa navo vachingoti “hazviite, it can’t”.

Ko nemhaka yei? Muverengi zvinzwire!

VaJames Hungwe (47) vekwaMurehwa vanoti hushamwari hwemazvirokwazvo hunofanirwa kuvapo pakati pemurume nemunhurume kana kuti mukadzi nemumwewo munhukadzi bedzi.

“Murume akaroora kana kuti mudzimai akaroorwa hazvikwanisike – akawanikwa kana kuti akawana hazviiteba. Murume ngaashamwaridzane nemurume, mukadziwo oita shamwari yemukadzi.

“Hazvibude, ndipo panozobuda nyaya dzechipfambi. Vanhu ava vanoguma vodanana,” vanodaro vachizunguza musoro kuratidza kuramba.

Mai Laiza Nyamadzawo Musekiwa (45) vekwaJuru, kwaChikwaka, kuGoromonzi, vanoti hakuna hushamwari hunofanirwa kuvapo pakati pemunhurume akaroora nemunhukadzi akaroorwa – kunyangwe zvikadii.

“Kubva tichikura, hakuna mukomana anofanirwa kuti ndisahwira wemusikana, kana mudzimai anofanirwa kunzi ndisahwira wemurume ivo vakaroora kana kuroorwa. Zvikadaro mutambo watoipa, vanhu ivavo vanotodanana chete.

“Izvi ndizvo zvimwe zvakonzera kuparara kwedzimba dzevachangoroorana,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso wemumwe mukadzi, uyo wavanoti akachata gore rapera asi vatove kuendesana kumatare nemurume wake kuti vadambure muchato mushure mekunge zvabuda kuti waaiti ishamwari yake chaiyo, chikomba chake.

“Zvinhu zvakadaro hazviko kutsika dzedu, ngatitevedzei chivanhu. Shuwa ini kubuda mumba ndichiudza murume wangu kuti ndave kumbonoona shamwari yangu yechirume ivo baba vozvibvuma? Muchato unoparara,” vanodaro.

Kuchiti VaTito Nyamweda (43) wekuMhondoro anoti hapana chinoshamisa kana kushoresa pakuti murume akaroora aite shamwari yechikadzi kana kuti mudzimai wemunhu ashamwaridzane nemunhurume.

“Sesu tinoita zvemabhizimisi, tinoona kuita sahwira wechidzimai munyaya dzebasa kwakatonaka. Hazvina mhosva kuti ini ndakaroora kana kuti sahwira wangu wechidzimai akaroorwa kana kuti haana. Sahwira wechidzimai anokupa mazano akanaka anovaka, kunyangwe ekumba kwako chaiko. Haakuparadze.

“Munhukadzi ukamupa chikwereti sasahwira wako, anochidzosa kwete zvinoitwa nevarume,” vanodaro VaNyamweda.

Vanoenderera mberi: “Ini ndakaroora asi vadzimai vangu vanotoona ndichitobva pamba nasahwira wangu wechidzimai tichienda kubasa pasina kana kumborwadziwa kana kuita shanje. Ivo vadzimai vangu havana zvavo sahwira wechirume, asi vakamuita ndichiona kuti zvine chekuita nebhizimisi, handimboita shanje nazvo,” vanodaro.

Mumwe mudzimai akangozviti Mai Tangwara anoti kunyangwe vacho vasina kuroorwa kana kuroora, zvinonetsa kuti vaite hushamwari sezvo vachizoguma vave kudanana.

“Nhasi tinonzwa hanzvadzikomana nehanzvadzisikana kuti vadanana, tete nemuzukuru, ambuya nemukuwasha kana amai nemwana – ko kuzoti . . .

“Husahwira hwakadai tinohuchenesa sei?

‘‘Hakuna zvakadaro, iwe wotonyemwerera uchiti shamwari yababa yechikadzi yauya wonyarara?” vanodaro.

VaWeston Chivaura (43) vekuMbare, muHarare, vanotiwo hapana chakaipa kuti murume akaroora aite husahwira nemukadzi – akaroorwa kana asina.

“Hapana chinoshamisa apa, kuti mukadzi nemurume vasina hukama kunyangwe vakaroorwa kana kuroora vaite hushamwari. Kare taiziva husahwira hwaiitwa pakati pevarume nevarume uyewo vakadzi nevakadzi, zvino nekufamba kwemazuva, zvinhu zvasanduka. Ini ndinawo masahwira echikadzi, asi kwete zvekuti tinodanana,” vanodaro.

Shupikai Komeni (36) wekwaMutoko anoti hushamwari pakati pemunhukadzi nemurume akaroora hauna kunaka zvachose.

“Hakuna hushamwari hwakadaro, vanhu ava vanenge vachitinyepera,” anodaro.

VaMashoko Makusha (40) vekuFair Fields, kuMasvingo, vanotsinhirawo vachiti:

“Hapana kunyatsochena – murume nemukadzi? Hushamwari hwakadaro miyedzo kwamuri mose, kunyangwe musingade kukumbirana rudo zvinoguma zvasvika ipapo.

“Mwana wako achigozoba muriwo mumba wani? Mazuva ano munonzwa kuti hama nehama vadanana, ko kuzoti ava vasina hukama? Mukadzi wangu ndikangonzwa kuti ane shamwari yechirume ngaachibva zvake pamba pangu onogara nasahwira wake iyeye.”

Mai Shiella Kambuzuma (37) avo vanogara kuMbare asi kumusha vachibva kwaMujinga, kuHurungwe, vanoti husahwira pakati pevanhurume nemadzimai haufanirwe kutomboitwa.

“Kunesu madzimai akaroorwa, shamwari yako murume wako. Kunyeperana kuti murume nemukadzi vanoita shamwari neshamwari nekuti pekupedzisira vanotodanana chete,” vanodaro.

VaTawanda Makusha (46) vekuMasvingo vanoti hapana chakamboipa kuti murume akaroora aite sahwira wechidzimai.

“Sahwira wechidzimai kumunhurume kana wechirume kumunhukadzi zvinhu zvakafanana, tinoziva vakawanda vanoita hushamwari hwakadai,” vanodaro.

Mumwewo mudzimai wechidiki uyo akawanikwa anongoti; “Hazviite kwatiri isu, asi kuvarungu zvinoita. Zviriko.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey