Mukadzi wemunhu oudza murume wemunhu . . .‘Ingoti pwe, ndine foto yako uri musvo mufoni’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSHANDI wekambani yeDelta Corporation anoti akatemwa nebhodhoro redoro ndokukuvara padama nepahuma nemumwe mudzimai wekuChitungwiza uyo ari kumupomerawo kuti akamutumira mufananidzo wesikarudzi yake panhare achimukumbira bonde.

Silvanos Murevesi (36) wepanhamba 4307 Kuwadzana 5, muHarare, ndiye akamhan’arira Monica Kademaunga (32) wepa6154 Unit J, kuChitungwiza, kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achiti akamutema nebhodhoro redoro zvikaita kuti akuvare.

Mutongi wedare iri, Gideon Kuvetsa, anoti nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa musi wa28 Nyamavhuvhu uye Kademaunga anenge achitongwa achibva kunze mushure mekubvisa bhero re$30.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi waChikunguru 14 munguva dzemanheru, Murevesi ainwa doro paShamwari Joe Night Club iri kuUnit J, kuChitungwiza, apo akasangana nemusungwa achibva amutema kaviri nebhodhoro redoro pahuma nepadama izvo zvakaita kuti akuvare.

Matsamba ekwachiremba akamurapa akaburitswa mudare seumbowo.

Asi Kademaunga ari kurambisisa mhosva iyi achiti pazuva iri aive nemurume wake.

‘‘Anoti murume wake paakatsauka achinobatidza fodya, ndipo paasangana naMurevesi aine shamwari yake achibva atanga kuda kumupa mari achikumbira bonde kwaari achiti aiva pfambi.

“Ini mhosva yekutema mumhan’ari nebhodhoro ndinoiramba nekuti pazuva iri handina kana kumbobata bhodhoro kana kunwa hwahwa. Nyaya iripo ndeyekuti iye mumhan’ari ndiye aida zvekushinha neni, akanditi aida kundipa mari yekubhadhara bonde ini ndikaramba ndichimuudza kuti mudzimai wake wechipiri wandaigara naye kuKariba yaiva shamwari yangu uye ini ndine murume wangu.

“Ndiye Murevesi ainge akatodhakwa zuva iri achitodonhera pamapfudzi pangu,” anodaro.

Anoti Murevesi akatora nhamba dzake dzenhare kubva mufoni yeshamwari yake achibva atanga kumutumira mifananidzo yenhengo yake yakavandika achimupfimba.

“Ndine mifananidzo yechinhu chake yaainditumira achiti ndiwone nekuti aive nefungidziro yekuti rimwe remazuva achawana mukana wekuenda neni pamubhedha ndichimupa bonde, saka ndizvo zviri kumurwadza.

“Kana dai ndakamutema nebhodhoro aizotora here mazuva manomwe asina kunorapwa nekuti ini ndakatozoshevedzwa nemapurisa musi wa21 vachiti ndine nyaya yekutema munhu nebhodhoro zvikatondishamisa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Musi wataenda kumapurisa, murume wangu akatoshamisika kuona Murevesi akatopfeka kepesi yake nhema iyo takashaya musi watanetsana. Murume wangu ndiye akatokanda mbama kushamwari yake inova mufakazi munyaya iyi mushure mekunge ataura mashoko ekuti ‘tiri kutsvaga mah**re ema$ for 2 atakanzwa nembiri yekuti anowanikwa kuno kwaChikwanha’. Saka paakati iri harisi here rimwe h**re racho kureva ini, ndipo paakakandwa mbama nemurume wangu.”

Kademaunga akaunza shamwari yake yaanoti yaiona zvose zvaiitika inova ichamira semufakazi.

Zvisinei, mufakazi waMurevesi anonzi Chitambina Chitambina (40) wepanhamba 6532 Unit J, anotiwo akaona Kademaunga achitema Murevesi nebhodhoro achimupomera mhosva yekusabhadhara mari yemendenenzi yakakwana yemwana waakaita neshamwari yake.

Share This:

Sponsored Links