Mukana kune vanoda kunyora bvunzo dzeZimsec

14 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Mukana kune vanoda kunyora bvunzo dzeZimsec

Kwayedza

Vusumuzi Dube

ZIMBABWE Schools Examination Council (Zimsec) iri kupa mukana kuvadzidzi vasina kukwanisa kunyoresa kuti vazonyora bvunzo dza2021 panguva yakange yatarwa kuti vanyorese.

Panguva yavanenge vachinyoresa iyi, kusvika nemusi wa30 Gunyana, vadzidzi havabhadhariswe imwe mari yekututsira pamusoro peyebvunzo yakatarwa kare.

Kunyoreswa kwebvunzo dzemunaMbudzi 2021 kwakavharwa nemusi wa2 Chikunguru apo vaive vanonoka vakapihwa mukana uyu kusvika 30 Chikunguru.

Nerimwe divi, kunyorwa kwebunzvo dzemunaChikumi – dzose dzeO- neA-Level – kwakambomiswa nedare reCabinet zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa nyaya dzefundo nekuda kwekunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona zvikoro zvichimbovharwa munguva yelockdown.

Fundo yakadzoserwawo kumashure zvikuru nekuda kwelockdown iyo yaivepo panguva yetemu yechipiri yose apo zvikoro zvainge zvakavharwa.

Zvikoro zvakavhurwa nguva pfupi yadarika paine kushushikana pamusoro penyaya yekuti vadzidzi vanogona kutadza kupedza sirabhasi kusvika panguva yavanofanirwa kuzonyora bvunzo.

Zimsec inoti mazuva achazonyorwa bvunzo achaziviswa nguva inotevera zvichienderana nekufunda kunenge kuchiita vana.
Muchinyorwa, Zimsec inoti yakauya nechirongwa chekuti vasina kukwanisa kunyoresa kuti vazonyora bvunzo vatore mukana uyu.

“Zimbabwe Schools Examination Council inoda kuzivisa vakuru vemizinda yayo, vadzidzi, vabereki nevamwe vainoshanda navo kuti vana vasina kukwanisa kunyoresa kuti vazonyora bvunzo panguva yakatarwa vari kupihwa mumwe mukana. Vabereki vose nevadzidzi vari kukurudzirwa kutora mukana uyu nekuona kuti vanyoresa kuti vazonyora bvunzo dza2021,” inodaro Zimsec.

Kanzuru iyi inoti mari iri kubhadharwa kunyora bvunzo idzi ndiyo yakatarwa kare.

Share This:

Sponsored Links