Mukana wekunyora bvunzo

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Mukana wekunyora bvunzo

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KANZURU inoona nezvekufambiswa kwebvunzo muno, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) yawedzera nguva yekuti vanoda kuzonyora bvunzo dzeOrdinary neAdvanced Level vanyorese.

Zimsec inoti ichapa mukana wekuti vanoda kunyora bvunzo vanyorese kana chirongwa cheHurumende chekuti vanhu vambogara mudzimba kwemasvondo matatu chadarika.

Zimbabwe yakatora danho rekuti vanhu vose vambogara mudzimba, vomira kufamba-famba nechinangwa chekuda kuderedza kana kudzivirira kutapurirana nekutekeshera kwechirwere cheCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu gumi nevasere vaonekwa vaine Covid-19 apo vatatu vacho vakatoshaya.

Mumashoko ayo, Zimsec inoti gadziriro dzebvunzo dzemuna Chikumi nedzemunaMbudzi dzegore rino dziri kufambira mberi zvakanaka.

Zimsec inoti hakuna dzimwe mari dzichadiwa pamusoro pedzakatarwa kune avo vachanonoka kunyoresa kuti vanyore bvunzo idzi.

Zvekare, hakuna mari dzichabhadhariswa vachanonoka kunyoresa bvunzo dzemwedzi waChikumi uye vachakundikana kunyoresa ipapa vachapihwa mukana wekuti vanyorese pabvunzo dzemunaMbudzi.

“Zimsec, semamwe mapoka, haisati yaziva kuti zvichafamba sei mushure memazuva 21 vanhu vachigara mudzimba. Chatinongoda kuzivisa ndechekuti Zimsec ichapa mukana weavo vanoda kunyoresa kunyora bvunzo dzemunaMbudzi kana danho rekuti vanhu vambogara mudzimba radarika,” kanzuru iyi inodaro.

“Hurongwa uhu hunowirirana nezvakaziviswa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari hunoti vanoda kunyora bvunzo dza2020 vachiine mukana.”

Izvi zviri kuuya apo sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta) richangobva kuti Hurumende imise kunyorwa kwebvunzo dzose dza2020 nekuda kwedambudziko raunzwa nechirwere cheCovid-19 icho chanetsa pasi rose.

Asi Zimsec inoti bvunzo dzegore rino dziri kuzonyorwa uye gadziriro dzacho dziri kufamba nemazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey